KURARAMA KWECHIKRISTU
Unodzidzei Kubva Kwavari?
Uchangobva kugadzwa semushumiri weungano kana kuti semukuru here? Unogona kunge uine ruzivo, unyanzvi kana kuti wakadzidza kupfuura vamwe vakuru kana vashumiri muungano. Asi, une zvakawanda zvaunogona kudzidza kuhama idzodzo nedzimwe hama dzakasimba pakunamata dzisingachashumiri sevarume vakagadzwa nemhaka yezvinhu zvakadai sekukwegura, kurwara uye mamwe mabasa avanogona kunge vava nawo pakuriritira mhuri.
ONA VHIDHIYO INONZI REMEKEDZA VARUME VAGARA NEBASA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
1. Hama Richards vakaratidza sei kuti vanoremekedza Hama Bello?
2. Ben akakanganisa papi, uye chii chakaita kuti adaro?
3. Ben akadzidzei kubva pane zvakaitwa naErisha?
4. Pasinei nekuti uri hama kana kuti hanzvadzi, ungaratidza sei kuti unoremekedza vaKristu vane ruzivo uye kuti unoda kudzidza kwavari?