KURARAMA KWECHIKRISTU
Chikomborero Chatiinacho Chekuvaka Nekugadziridza Nzvimbo Dzekunamatira
Kuti temberi yaJehovha ivakwe paifanira kushandwa uye paidiwa zvinhu zvakawanda. Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vakashingaira pakutsigira basa iri. (1Mak 29:2-9; 2Mak 6:7, 8) Temberi payakanga yapera, zvaiitwa nevaIsraeri pakuigadziridza zvairatidza kuti ushamwari hwavo naMwari hwainge hwakamira sei. (2Mad 22:3-6; 2Mak 28:24; 29:3) Mazuva ano vaKristu vanoshandisa nguva yakawanda nesimba pakuvaka, kuchenesa uye kugadziridza Dzimba dzoUmambo nedzemagungano. Zvisinei kushanda naJehovha nenzira iyi iropafadzo yakakura uye tinenge tichitoita rimwe remabasa matsvene.—Pis 127:1; Zva 7:15.
TINOGONA . . .
Kuchenesa panopera musangano mumwe nemumwe. Kana usingakwanisi, unogona kunhongawo marara anenge ari pedyo nepaunenge wakagara.
Kugara tichiita basa rekuchenesa Imba yoUmambo uye kuita kuti zvinhu zvigare zvichishanda zvakanaka. Kana vanhu vakashanda vakawanda, basa racho rinonakidza uye rinoreruka.—lv 92-93 ¶18.
Kupa mari. Kunyange chipo ‘chetumari tuviri twusingakoshi’ chinobviswa nemunhu zvichibva pamwoyo chinofadza Jehovha.—Mk 12:41-44.
Kuzvipira kuvaka uye kugadziridza nzvimbo dzinoshandiswa pakunamata kana tichikwanisa. Hazvirevi hazvo kuti munhu anofanira kunge akamboita basa rekuvaka kuti aite izvi.