SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Kuitisa Chidzidzo cheBhaibheri Uchishandisa Bhurocha raMashoko Akanaka
Verenga mubvunzo unenge wakaiswa nhamba uye wakanyorwa nemabhii matema-tema kuti ubatsire saimba kuona pfungwa huru.
Verenga ndima inenge iri pasi pacho.
Verenga magwaro anenge akatsveyamiswa, uye shandisa mibvunzo neungwaru kuti ubatsire saimba kuona kuti magwaro acho ari kupindura sei mubvunzo unenge wakaiswa nhamba
Kana paine imwe ndima inenge iri pasi pemubvunzo wacho, dzokorora danho 2 ne3. Kana uine vhidhiyo yepajw.org inoenderana nemubvunzo uripo yausati waratidza saimba, wana nguva yekuti umuratidze paunenge uchikurukura naye.
Pedzisa nekuita kuti saimba apindure mubvunzo unenge wakaiswa nhamba kuti uone kana anzwisisa.