Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kudzidzisa Vatsva
Sei Zvichikosha? Vadzidzi vatsva vaJesu vanofanira kudzidza kuchengeta “zvinhu zvose” zvaakarayira, zvinosanganisira kudzidzisa vamwe chokwadi. (Mat. 28:19, 20) Vatsva vakawanda vakatokwanisa kunyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri uye vanogona kunge vakatotanga kuparidza zvisina kurongwa kune vemumhuri kana kuti kushamwari. Sezvavanowedzera kukoshesa zvavari kudzidza vosvika pakuziva kuti Jehovha anoda kuti vanhu vose vanzwe mashoko akanaka, vanogona kuzodawo kubatana nevamwe muushumiri. (VaR. 10:13, 14) Vatsva pavanobvumirwa kuva vaparidzi vasati vabhabhatidzwa, vanoda kunyatsodzidziswa kuti vave neushingi sezvavanotora danho iri rinokosha pakufambira mberi kwavo pakunamata.—Ruka 6:40.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Ita ushumiri hwepaimba neimba nemudzidzi wako, enda naye kune munhu wawakaona anofarira kana kuti kuchidzidzo cheBhaibheri. Kana usina mudzidzi, kumbira kushanda nemuparidzi asati ava neunyanzvi.