KURARAMA KWECHIKRISTU
Vadzidzise Kuti Varambe Vachishumira Jehovha
Kana vaparidzi vatsva vakadzidziswa kugara vachishingaira muushumiri kubvira pekutanga, kakawanda kacho vanoramba vakadaro. (Zvi 22:6; VaF 3:16) Nyaya ino ine mazano aunogona kushandisa kubatsira waunodzidza naye kuti arambe achishingaira muushumiri:
Paanongobvumirwa kuti ave muparidzi, ibva watotanga kumudzidzisa kuparidza. (km 8/15 1) Ita kuti aone kuti zvakakosha kuti vhiki rimwe nerimwe agare achienda muushumiri. (VaF 1:10) Taura zvinhu zvinokurudzira nezvendima yenyu. (VaF 4:8) Mukurudzire kuti aendewo nemutariri weboka uye nevamwe vaparidzi kuti adzidzewo zvimwe zvinhu kubva kwavari.—Zvi 1:5; km 10/12 6 ¶3
Kunyange kana waunodzidza naye akabhabhatidzwa, ramba uchimukurudzira uye uchimudzidzisa maitirwo ebasa rekuparidza, kunyanya kana asati apedza kudzidza bhuku ra“Rudo rwaMwari.”—km 12/13 7
Kana uine muparidzi mutsva muushumiri, shandisa mharidzo dziri nyore. Kana apedza kupa mharidzo yake, mutende. Muudze zvimwe zvaanogona kuita zvinomubatsira kuti ave mudzidzisi akanaka.—km 5/10 7