RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/15 p. 1
  • Ramba Wakaisa Pfungwa Dzako Pakuita Vadzidzi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Wakaisa Pfungwa Dzako Pakuita Vadzidzi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Gara Wakagadzirira Kutanga Chidzidzo cheBhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Ungabatsirawo Here Pabasa Rekuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Kudzidzisa Chokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Kugadzirira Ndiwo Mushonga Wokubudirira Kuwana Vanhu Vokushanyirazve
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
km 7/15 p. 1

Ramba Wakaisa Pfungwa Dzako Pakuita Vadzidzi

1. Chii chatinofanira kuita kuti vanhu vaponeswe?

1 Mushumo wegore rebasa ra2014 unoratidza kushingaira uye chido chakasimba chine vanhu vaMwari chekuparidza mashoko akanaka oUmambo. (Mat. 24:14) Kuparidza kwatinoita paimba neimba, mishandirapamwe yatinoita yekupa vanhu maturakiti ekuvakoka kuzviitiko zvinokosha nemamwewo, uye kuparidza munzvimbo dzinowanikwa veruzhinji, zviri kuita kuti vakawanda vanzwe nezveBhaibheri kupfuura kare. Zvisinei, kuti vanhu vaponeswe tinofanira kudzidza navo Bhaibheri kuti tivabatsire kuva vadzidzi vaJesu.—1 Tim. 2:4.

2. Mibvunzo ipi ichatibatsira kuti tigare takagadzirira kutanga chidzidzo cheBhaibheri?

2 Gara Wakagadzirira Kutanga Chidzidzo cheBhaibheri: Kana munhu akaratidza kufarira, unoedza here kutaura naye kuti uzive paanogara nezvimwewo kuti muzoonana zvakare, wodzoka panguva yamunenge mawirirana nechinangwa chekutanga chidzidzo cheBhaibheri? Wakapedzisira riini kuedza kuratidza munhu kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei pawakamuona kekutanga? Wakapedzisira riini kuudza vanhu vaunogara uchiendesera magazini kuti unoda kudzidza navo Bhaibheri? Wakamboratidza here vaunoshanda navo, vekuchikoro, vavakidzani, voukama, nevamwe vaunoziva vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? neimwe inonzi Zvidzidzo zveBhaibheri Zvinoitwa Sei? Paunenge uchishandisa chingoro kana tafura, unoedza here kuudza vaya vanotora bhuku ratinodzidza nevanhu kuti tinogona kuvabatsira kudzidza Bhaibheri vasingabhadhari tichishandisa bhuku iroro?

3. Chii chatinofanira kuita, uye chii chatinofanira kuva nacho kuti tibudirire pakudzidzisa vanhu chokwadi?

3 Kubatsirwa naJehovha naJesu: Paaitaura nezvekuti tinofanira ‘kuita vadzidzi,’ Jesu akatanga nekutaura kuti “naizvozvo endai,” zvichiratidza kuti tinofanira kushanda nesimba uye kuti ndisu tinofanira kutanga kuita chimwe chinhu. Zvisinei, tinenge tisiri toga pakuita basa iri nekuti akavimbisa kuti aizova nesu. (Mat. 28:19, 20) Uyewo, Jehovha anotipa mudzimu wake mutsvene, zvekushandisa zvacho uye anotidzidzisa zvatinofanira kuita pakudzidzisa vanhu chokwadi. (Zek. 4:6; 2 VaK. 4:7) Tinogona kunyengeterera kuti ‘tide uye tiite’ basa iri rinokosha.—VaF. 2:13.

4. Sei tichifanira kugara takagadzirira kuita vadzidzi?

4 Kuparidza mashoko akanaka kunoita kuti tifare zvikuru. Asi mufaro wedu unowedzera patinodzidzisa mumwe munhu chokwadi, tomubatsira kuti abatane nesu ‘mumugwagwa unoenda kuupenyu.’ (Mat. 7:14; 1 VaT. 2:19, 20) Chikuru ndechekuti kana tikagara takagadzirira kuita vadzidzi, tinofadza Jehovha nekuti “hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.”—2 Pet. 3:9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe