Purogiramu Yevhiki yaJune 22
VHIKI INOTANGA NAJUNE 22
Rwiyo 67 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 26 ¶10-17 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 1 Madzimambo 1-2 (8 min.)
Nha. 1: 1 Madzimambo 1:15-27 (3 min. zvichidzika)
Nha. 2: Sei vaKristu Vechokwadi Vachifara Uye Vachigutsikana?—igw p. 23 ¶1-3 (5 min.)
Nha. 3: VaKristu Vose Vanofanira Kuva Vashumiri—td 31A (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: “Yeukai mazuva ekare.”—Dheut. 32:7.
15 min: Takaitei? Kukurukurirana kunoitiswa nemunyori. Taurai zvakaitwa mumwaka weChirangaridzo, uye rumbidzai ungano nekushanda kwayakaita. Kumbirai vateereri kuti vataure zvakaitika zvinofadza pavaipa vanhu mapepa ekuvakoka kuChirangaridzo.
15 min: Akakubata Sei Ruoko? (Isa. 41:13) Bvunzai muparidzi mumwe chete kana kuti vaviri vemuungano yenyu vava nenguva refu vachishumira Jehovha vakatendeka, kuti Jehovha akavabatsira sei kuti vatsungirire matambudziko avakasangana nawo pakumushumira.
Rwiyo 107 Nemunyengetero