Dzidza Kuvaparidzi Vagara Nebasa
Tinokoshesa zvikuru vaparidzi vane unyanzvi vari muungano. Vamwe vavo vava nemakore akawanda vachishumira Jehovha vakatendeka. Vamwewo vanogona kunge vakawana unyanzvi muushumiri munguva ichangopfuura. Vaparidzi ava vakaona kuti Jesu ndiye ari kutungamirira ungano yechiKristu mumazuva ano ekupedzisira, achiita kuti basa rekuparidza nekuita kuti vanhu vave vadzidzi risvike kure. (Mat. 28:19, 20) Kuparidza kuri kuita kuti vawane “simba rinopfuura renguva dzose” rinovabatsira pavanosangana nemiedzo nematambudziko. (2 VaK. 4:7) Tine zvizhinji zvekudzidza kubva kuvaparidzi ava vagara nebasa. Kana tikavapa mukana, vanofara kudzidzisa vamwe zvavakadzidza. (Pis. 71:18) Saka tinofanira kutsvaka mikana yekuti tidzidze kwavari. Tingazviita sei?
Patinenge Tiri Muushumiri. Vaparidzi vatsva kana kuti vasati vava neunyanzvi vanoda kudzidziswa kuti vabudirire muushumiri. Vanogona kudzidza zvakawanda pavanocherechedza zvinoitwa nevaparidzi vane unyanzvi muushumiri. (Ona nyaya iri muNharireyomurindi yaFebruary 15, 2015 inoti, “Ramba Uchishingaira Muushumiri,” ndima yechitatu pasi pekamusoro kanoti, “Batsira Vaparidzi Vatsva.”) Kushanda nevaparidzi vane unyanzvi muushumiri kwakakubatsira sei?
Unogona here kukumbira kushanda nemuparidzi ane unyanzvi muushumiri? Kana kuri kuti anonetseka neutano, pano neapo unogona kuronga kuenda nemudzidzi wako kumba kwemuparidzi wacho, monodzidzira ikoko. Kana mapedza kudzidza, kumbira muparidzi wacho kuti ataurewo zvaanenge aona, okupawo mazano.
Iva Nenguva Navo: Kumbozvipa nguva yekuva nevaparidzi vagara nebasa kuchaita kuti tiwedzere kuvaziva. Koka mumwe wavo kuti auye pakunamata kwenyu kwemhuri, momubvunza mibvunzo. Kana achinetseka neutano, munogona here kuronga kuti munoitira kunamata kwemhuri kumba kwake? Mubvunzei kuti akawana sei chokwadi. Makomborero api aakawana? Zvii zvaakaona zvinoratidza kufambira mberi kwaita basa mundima yenyu? Anofara zvakadini nekushumira Jehovha?
Unofanira kunzwisisa kuti vanewo zvavasingakwanisi kuita. Kungofanana nesu, vaparidzi vagara nebasa vane zvipo zvakasiyana-siyana muushumiri. (VaR. 12:6-8) Vamwe vavo vakwegura saka vangasakwanisa kuita nguva refu vainesu sezvatinenge tichida. Kunyange zvakadaro, tine zvakawanda zvekudzidza kwavari pamuenzaniso wavo wekushumira Jehovha vakatendeka.