Purogiramu Yevhiki yaJune 8
VHIKI INOTANGA NAJUNE 8
Rwiyo 6 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 25 ¶17-21, bhokisi riri pap. 259 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 2 Samueri 19-21 (8 min.)
Nha. 1: 2 Samueri 19:24-37 (3 min. zvichidzika)
Nha. 2: Ungawana Sei Mufaro?—igw p. 22 ¶1-3 (5 min.)
Nha. 3: Magwaro Anotii nezveChirangaridzo?—td 18A (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: “Yeukai mazuva ekare.”—Dheut. 32:7.
10 min: “Yeukai Mazuva Ekare.” Hurukuro inobva padingindira remwedzi uno. Verengai motsanangura Dheuteronomio 4:9; 32:7 uye Pisarema 71:15-18. Tsanangurai kuti vaevhangeri vemazuva ano vangabatsirwa sei nekuyeuka vanhu uye nhoroondo yezvakaitika musangano redu. Kurudzirai vaparidzi kuti vapote vachikurukura pakunamata kwavo kwemhuri nyaya dzakanzi “Kubva Mudura Renhoroondo Yedu” dzinogara dzichibuda muNharireyomurindi. Taurai muchidimbu dzimwe hurukuro dzepamisangano yebasa yemwedzi uno, moratidza kuti dzinoenderana sei nedingindira.
20 min: “Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kutanga Chidzidzo cheBhaibheri Chinoitwa Pasuo Uchishandisa Bhurocha raMashoko Akanaka!” Kukurukurirana kunoitiswa nemutariri webasa. Taurai zvimwe zviri pamushumo weungano webasa remumunda zvinoratidza kuti vaparidzi vanogona kuwedzera zvidzidzo zvavo zveBhaibheri. Ivai nemuenzaniso wemuparidzi agara nebasa achiratidza kuti chidzidzo cheBhaibheri chingatangwa sei pasuo, achishandisa mharidzo iri mubhokisi. Kurudzirai vose kuti vatange chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa pasuo.
Rwiyo 29 Nemunyengetero