Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kutanga Chidzidzo cheBhaibheri Chinoitwa Pasuo Uchishandisa Bhurocha raMashoko Akanaka!
Sei Zvichikosha? Kuti vanhu vave vadzidzi, tinofanira kuva vadzidzisi veShoko raMwari. (Mat. 28:19, 20) Kana tikashandisa zvatakapiwa, tose zvedu tinogona kubudirira pakudzidzisa chokwadi. Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! rakagadzirirwa kuti ritibatsire pakudzidzisa vamwe chokwadi. Tinotogona kurishandisa kutanga chidzidzo cheBhaibheri patinoonana nasaimba kekutanga, pasuo rake chaipo.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Nyengetera kuna Jehovha kuti akupe chido chekudzidzisa mumwe munhu Bhaibheri. Teterera kuti akubatsire kutanga chidzidzo cheBhaibheri, uye kuti ubudirire pakudzidzisa chokwadi.—VaF. 2:13.
Pakunamata kwemhuri kana kuti paunodzidza uri woga, nyatsogadzirira mharidzo yako. Izvi zvichaita kuti utaure nechivimbo, uye utange chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa makamira pasuo.