Mharidzo Dzokuenzanisira
Nharireyomurindi June 1
“Tiri kushanyira vavakidzani vedu kwenguva pfupi kuti tivakurudzire kuti vafarire kuverenga Bhaibheri. Vanhu vakawanda vanofunga kuti sayenzi yemazuva ano iri kuratidza kuti Bhaibheri rinonyepa. Ko imi munotiwo chii nezveBhaibheri? Tinofanira kutenda zvarinotaura here? [Rega apindure.] Onai muenzaniso uyu unoratidza kuti zvinotaurwa neBhaibheri hazvipesani nesayenzi. [Verenga Jobho 26:7.] Magazini ino inoratidza kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvinotsigirwawo nesayenzi.”
Awake! June
“Sezvo vavakidzani vedu vakawanda vachitambura nekurwara, tiri kushanya kwenguva pfupi tichivaverengera vhesi iyi yemuBhaibheri inopa tariro. [Verenga Isaya 33:24a.] Kudai tisingamborwari, munofunga kuti upenyu hwedu hwaizova hwakaita sei? [Rega apindure.] Pane zvinhu zvishanu zvatinogona kumboita kuti tive neutano huri nani kusvikira pachazadziswa uprofita uhwu. Magazini ino ndizvo zvairi kutsanangura.”