Shandisa Nguva Yako Nemazvo Muushumiri
Zvapupu zvaJehovha zvakaita maawa 1 945 487 604 muushumiri mugore rebasa ra2014. Izvi zvinonyatsoratidza kuti takatsunga kuramba tichiita zvakawanda mubasa raJehovha! (Pis. 110:3; 1 VaK. 15:58) Sezvo ‘nguva yasara iri pfupi,’ zvinoita here kuti tishandise nguva iyi inokosha kuti tikurukure nevanhu vakatowanda?—1 VaK. 7:29.
Kuti tishandise nguva yedu nemazvo muushumiri tinofanira kuchinja zvichienderana nemamiriro ezvinhu. Somuenzaniso, kana uchigara uchiita awa imwe chete kana kupfuura uchiita imwe mhando youshumiri asi usingawane munhu wokukurukura naye, ungachinja zvimwe zvinhu here kuti ukwanise kukurukura nevanhu vakawanda? Mamiriro ezvinhu anosiyana munzvimbo nenzvimbo. Asi mazano anotevera anogona kukubatsira kuti unyatsoshandisa nguva yako nemazvo kuti ‘usarova mhepo.’—1 VaK. 9:26.
Kuparidza Paimba Neimba: Kwemakore akawanda, vaparidzi vanowanzotanga ushumiri hwavo nekuparidza paimba neimba. Zvisinei, sezvo vanhu vakawanda vachiswera vari kubasa, wadii kuedza kuparidza paimba neimba zuva rarereka kana kuti richangonyura, vanhu vakawanda pavanenge vava kuwanika pamba uye vasina zvakawanda zvekuita? Mangwanani kana kuti masikati unogona kuwana vanhu vakawanda kana ukaparidza mumugwagwa kana kuti munzvimbo yebhizimisi.
Kuparidza Munzvimbo Dzinowanikwa Vakawanda: Matafura nezvingoro zvinofanira kuiswa munzvimbo dzinopfuura nevanhu vakawanda mundima yeungano yenyu. (Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJuly 2013 peji 5.) Kana nzvimbo yacho isisapfuuri nevanhu vakawanda, Dare Rebasa Reungano rinogona kusarudza imwe nzvimbo inopfuura nevakawanda.
Vanhu Vaunodzokera Kunoona Uye Vaunodzidza Navo Bhaibheri: Zvinoita here kuti uronge kuenda kune vanhu vawakamboona uye zvidzidzo zveBhaibheri panguva dzinonetsa kuita imwe mhando yeushumiri? Somuenzaniso, kana kuparidza paimba neimba kuchinyanya kubudirira musi weMugovera mangwanani, unogona kuona vaunodzidza navo Bhaibheri masikati acho kana manheru, kana zvichiita. Pavanenge vachidzokera kuvanhu vavakamboona, vaparidzi vanofamba nemotokari vanogona kuenda vari mapoka madiki kuti vaite zvakawanda muushumiri kana zvichiita.
Kunyange zvazvo zvakanaka kunyora nguva yatinoita pese patinoenda muushumiri, mufaro wedu unowedzera patinoona kuti tashandisa nguva yedu nemazvo. Kana ukaona kuti imwe nzira yeushumiri haisi kunyatsobudirira pane imwe nguva, zviri nani kuchinja woedza imwe. Nyengetera kuna Jehovha, “Tenzi wokukohwa,” kuti akubatsire kuti ubudirire kushandisa nguva yako nemazvo muushumiri!—Mat. 9:38.