RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/13 pp. 4-6
  • Nzira Itsva Dzokuparidza Pachena

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Itsva Dzokuparidza Pachena
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Inonakidza Ichangoburwa Yekuparidza Munzvimbo Dzinowanikwa Vakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Paridza Mashoko Akanaka Kwose Kwose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Nzira Dzekuparidza Nadzo Mashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Kupupurira Mumugwagwa Zvinobudirira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 7/13 pp. 4-6

Nzira Itsva Dzokuparidza Pachena

1. VaKristu vekutanga vakasiya muenzaniso wei?

1 VaKristu vekutanga vaisangoparidza paimba neimba chete. Vaiparidzawo munzvimbo dzaiwanika vanhu vakawanda. (Mab. 20:20) Somuenzaniso, vaienda kutemberi uko kwavaiziva kuti vaigona kuwana vanhu vakawanda. (Mab. 5:42) Paaiva kuAtene, muapostora Pauro aiparidza zuva nezuva kune vaaiona pamusika. (Mab. 17:17) Mazuva ano, nzira yatichiri kunyanya kushandisa kuparadzira mashoko akanaka ndeyoushumiri hwepaimba neimba. Asi, tinoendawo munzvimbo dzinopakirwa motokari, dzemabhizimisi, mapaki, nzvimbo dzinofamba vanhu vakawanda, nedzimwewo kuti tiparidzire vanhu kwese kwavangawanikwa. Kunyange zvazvo muparidzi mumwe nemumwe achikurudzirwa kuparidza munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda pazvinokwanisika, vakawanda vachawana mukana wokushandisa nzira itsva mbiri dzokuparidza munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda.

2. Chirongwa chipi chitsva chokuparidza chakatanga kuedzwa muna November 2011?

2 Chirongwa Chokuparidza Munopfuura Nevakawanda Mumaguta: Maererano nezvinotaurwa pamapeji 16 ne17 muBhuku Regore ra2013, pane nzira itsva yokuparidza munzvimbo dzinowanika vakawanda yakatanga kuedzwa muNew York City muna November 2011. Matafura nezvingoro zvakaiswa mapepa anokwezva uye mabhuku emitauro yakawanda, zvaiiswa munzvimbo dzemuguta racho dzinofamba vanhu vakawanda. Zviuru zvevanhu zvaipfuura nepo zuva rega rega, kusanganisira vakawanda vanogara muzvivako zvinochengetedzwa uye vanhu vasingawanzowaniki pamba. Vanhu vakawanda zvikuru vakaratidza kufarira mabhuku edu. Mune mumwe wemwedzi ichangopfuura, magazini 3 797 uye mabhuku 7 986 zvakagoverwa. Vakawanda vaipfuura vakakumbira kudzidza Bhaibheri. Sezvo chinangwa chikuru chaiva chokutanga zvidzidzo zveBhaibheri, kero dzose dzevanhu vanofarira dzaitumirwa nokukurumidza kuungano dzakakodzera kuitira kuti vanofarira vacho vashanyirwe.

3. Chirongwa chokuparidza munopfuura nevakawanda mumaguta chiri kuwedzerwa sei?

3 Nekubudirira kuri kuita chirongwa chitsva ichi, chirongwa chacho chava kuwedzerwa kuti chiitwe munyika yose kune nzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda mumaguta. Hofisi yebazi ichaona kuti maguta api anogona kubatsirwa nechirongwa chacho. Kazhinji maguta acho anenge aine nzvimbo dzinokwirirwa mabhazi akawanda kana kuti dzine mahofisi akawanda kana kuti mafurati zvinoita kuti pave nevanhu vakawanda vanofamba. Hofisi yebazi inobva yanyorera ungano dzichaita basa racho uye ichadzitumira mirayiridzo. Mapiyona chaiwo neenguva dzose ndiwo achanyanya kushandiswa, kunyange zvazvo mapiyona ebetsero angashandiswawo mune dzimwe nzvimbo.

4. Kuparidza munopfuura nevakawanda mumaguta kunoitwa sei?

4 Maitirwo Acho: Vaya vanoita ushumiri hwekuparidza munopfuura nevakawanda mumaguta vanowanzomirira kuti munhu auye patafura kana kuti pachingoro. Kana mumwe munhu akasvika, vanomukumbira kuti atore mabhuku aanenge afarira. Mapiyona acho anofara kupindura mibvunzo yemuBhaibheri yaangabvunza. Kana zvichiita, vanobvunza kuti: “Mungada here kuti mumwe munhu akushanyirei kumba kwenyu?” kana kuti “Munoziva here kuti munogona kuwana magazini iyi, moitiswa chidzidzo cheBhaibheri musingabhadhari?”

5. Kuita basa muchirongwa ichi chitsva kuri kuunza zvikomborero zvipi kune mumwe murume nemudzimai wake?

5 Kuita basa iri kwave kuchiunza zvikomborero. Mumwe murume nemudzimai wake vakanyora kuti: “Kumira patafura tichiona zviuru zvevanhu zvichipfuura zuva rega rega kwakaita kuti tinyatsoona basa rakakura riri kuitwa kuti vanhu vakawanda vaparidzirwe munyika yose. Kuona vanhu vakawanda uye kufunga kuti Jehovha anoda sei munhu mumwe nemumwe kwakasimbisa kutsunga kwatakaita kuramba tichiisa basa rokuparidza pokutanga muupenyu hwedu. Tinofungidzira Jehovha achiongorora mwoyo yevose vanopfuura nepatafura, achitsvaka vaya vakakodzera. Tinonzwa tiri pedyo zvikuru nengirozi dzatinoshanda pamwe nadzo.”

6. (a) Ndechipi chimwe chirongwa chokuparidza munzvimbo dzinowanika vakawanda chiri kurongwa muungano dzakawanda, uye chakasiyana sei nechirongwa chekuparidza munopfuura nevakawanda mumaguta? (b) Ungano dzingashandira sei pamwe padzinenge dzichiparidza munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda?

6 Kuparidza Munzvimbo Dzinowanika Vakawanda Kunorongwa Neungano: Kuwedzera pachirongwa chokuparidza munopfuura nevakawanda mumaguta, pane chimwe chirongwa chiri kurongwa nematare akawanda evakuru mundima dzavo. Muchirongwa ichi, vaparidzi vanoshandisa tafura kana kuti chingoro panzvimbo inopfuura vakawanda mundima yeungano. Chirongwa ichi chakasiyana nechiya chekuparidza mumaguta icho chinoshandisa vanhu vanobva muungano dzakawanda kuti vaparidze munzvimbo dzinofamba vanhu vakawanda mumaguta anenge asarudzwa nehofisi yebazi.—Ona bhokisi rakanzi “Zvinokosha Kuti Mushandire Pamwe.”

7. Pazvinenge zvichiita, vakuru vacharonga sei kuti mundima yavo muparidzirwe munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda?

7 Vakuru vachaongorora kana ndima yeungano iine nzvimbo dzinofamba vanhu vakawanda uye vachasarudza kana zvichizobatsira kuti varonge kuti nzvimbo dzacho dziparidzirwe. Nzvimbo dzinogona kuiswa tafura kana kuti chingoro dzinosanganisira panokwirirwa zvokufambisa, nzvimbo dzinosangana vanhu vakawanda, mapaki, migwagwa inofambwa nevakawanda, nzvimbo ine zvitoro zvakawanda, makoreji, nhandare dzendege, uye nzvimbo dzinoitirwa zviitiko zvegore negore. Zvinobatsira kuisa tafura panzvimbo imwe chete, pamazuva akafanana uye panguva dzakafanana. Zvakaonekwa kuti matafura anoiswa panzvimbo dzine zvitoro zvakawanda anonyanya kushanda kupfuura anoiswa pamberi pechitoro chimwe chete chakakura nekuti vanhu vanenge vachinyanya kufunga zvavafambira muchitoro chacho. Dzimwe nzvimbo dzakadai senzira dzinofamba nevanhu vakawanda padivi pemugwagwa, dzingave dzakanaka kuisa kachingoro kadiki kanenge kaine mabhuku. Vakuru vanogona kukopa mapepa anoratidza magazini eNharireyomurindi neMukai! uye bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? panzvimbo yedu yokubudisira mashoko paIndaneti. Mapepa aya akagadzirirwa kuti angoshandiswa chete pachirongwa ichi chokuparidza munzvimbo dzinowanika vakawanda. Vachaita basa iri vachariita sezvinongoita vaya vanoparidza mumaguta uye vanofanira kunyatsotevedzera mirayiridzo yavanopiwa nemutariri webasa. Kana vakapiwa kero yemunhu anofarira asingagari mundima yavo, vanofanira kukurumidza kuzadza fomu rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43) vopa munyori.

8. Kana ungano yenyu isina urongwa hwekuparidza munzvimbo dzinowanika vakawanda, ndeipi mimwe mikana yokuparidza pachena ingavapo?

8 Kuparidza Munzvimbo Dzinowanika Vakawanda Muushumiri Hwako: Dzimwe ungano dzingasava nenzvimbo inopfuura vanhu vakawanda yokuisa tafura kana chingoro mundima yadzo. Zvisinei, kunyange muungano dzakadaro, vaparidzi vanokurudzirwa kuti vafunge nezvokuparidzira munzvimbo dzinowanika vakawanda, pavanenge vachiita ushumiri hwavo. Mundima yenyu mune nzvimbo ine zvitoro here kana ine chitoro chinotengwa nevakawanda? Mune paki here kana nzvimbo inoungana vanhu? Mune nzvimbo inounganirwa nevanhu here ichiitirwa zvimwe zviitiko nguva nenguva? Kana zvakadaro, munogona kunakidzwawo nekuparidza munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda.

9. Nei tichifanira kushanda nesimba kuti tiparidzire vanhu kwese kwavangawanika?

9 Jehovha anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Saka, tiri kuedza kusvitsa mashoko oUmambo kuvanhu vakawanda sezvingabvira mugumo usati wasvika. (Mat. 24:14) Zvakaoma kuwana vanhu vari pamba munzvimbo dzakawanda. Asi, tingakwanisa kutaura navo pavanenge vasiri pamba vari munzvimbo dzinowanika vakawanda. Vamwe vanhu vanogona kungowana mukana wokunzwa mashoko akanaka kuburikidza chete nenzira yokuparidza munzvimbo dzinowanika vakawanda. Saka, ngatiitei ushumiri hwedu zvizere nokuparidzira vanhu kwese kwavangawanika.—2 Tim. 4:5.

[Bhokisi riri papeji 5]

Zvinokosha Kuti Mushandire Pamwe

Zvakashumwa kuti dzimwe nguva ungano dzakavakidzana dzinoparidza panzvimbo imwe chete, mungava mumugwagwa, panzvimbo inopakirwa motokari, uye pamberi penzvimbo dzinoitirwa mabhizimisi kana kuti panokwirirwa zvokufambisa. Vaparidzi veungano dzakasiyana-siyana vakasiya magazini panzvimbo imwe chete inomirirwa nevanhu uye vakaparidza panzvimbo imwe chete yemabhizimisi. Izvi zvakaita kuti vanhu vemabhizimisi uye vanogara munzvimbo dzacho vagumbuke dzimwe nguva, kunyange kana vaparidzi vacho vakasaparidzira panzvimbo yacho panguva imwe chete. Saka, zvinowanzova zvakanaka kuti murambe muri mundima yeungano yenyu pamunenge muchiparidza munzvimbo dzinowanika vakawanda.

Kana vaparidzi vachida kuparidza munzvimbo inowanika vanhu vakawanda iri mundima yeimwe ungano iri pedyo, vanofanira kutaura nemutariri wavo webasa. Mutariri wavo webasa anobva ataura nemutariri webasa weimwe ungano yacho kuti vapiwe mvumo vasati vatanga kuparidza. Ungano dzemitauro yakasiyana padzinoparidza munzvimbo imwe chete, vatariri vebasa vanofanira kutaurirana kuitira kuti musazogumbura vanhu vari mundima. Kana mukashandira pamwe zvakanaka, zvinhu zvose zvinogona kuitika “nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.”—1 VaK. 14:40.

[Mufananidzo uri papeji 6]

[Mufananidzo uri papeji 6]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe