Purogiramu Yevhiki yaApril 20
VHIKI INOTANGA NAAPRIL 20
Rwiyo 3 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 23 ¶10-18 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 1 Samueri 23-25 (8 min.)
Nha. 1: 1 Samueri 23:13-23 (3 min. zvichidzika)
Nha. 2: Bhaibheri Rinovimbisei Nezveramangwana?—igw p. 16 ¶1-3 (5 min.)
Nha. 3: VaKristu Vanofanira Kuremekedza Nyaya Yekuzviisa Pasi Mumhuri—td 19B (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: Fambai sezvinoita vanhu vakachenjera, “muchizvitengera nguva yakakodzera.”—VaEf. 5:15, 16.
15 min: “Zvatingaita Pakuparidza Nezvingoro Nematafura.” Kukurukurirana. Enzanisirai zvinotevera: Vaparidzi vaviri vari pachingoro kana kuti patafura. Muparidzi wekutanga anongonyemwerera munhu anenge achipfuura, omusiya achienda. Muparidzi wechipiri anonyemwerera mumwewo munhu anenge achipfuura, obva amubvunza mubvunzo sezvaanenge achisvika pedyo, votanga kukurukura neushamwari. Tingashandisawo sei mazano aya kunyange tisiri kushandisa chingoro kana kuti tafura?
15 min: Magungano Anoita Kuti Tifare. Kukurukurirana kubva muNharireyomurindi yaSeptember 15, 2012, mapeji 31-32, ndima 15-19. Itai kuti vanhu vave nechido chekupinda gungano remunharaunda riri kuuya. Kurudzirai vose kuti vaone purogiramu yacho iri pajw.org kuti vatarisire zvichakurukurwa ikoko.
Rwiyo 75 Nemunyengetero