Paridza Chokwadi Pamusoro paJesu Uchishingaira
Tinowedzera kushingaira kana tikaziva kuti tingaudza sei vamwe nezvaJesu. Jesu ndiye dombo renheyo repakona, rakavakirwa kutenda kwechokwadi. (VaEf. 2:20) Kudai asipo, tingadai tisina tariro yekuponeswa. (Mab. 4:12) Saka zvinokosha kuti vanhu vose vazive basa raJesu pakuzadziswa kwechinangwa chaMwari. Vakawanda vakatsauswa nedzidziso dzisiri muMagwaro. Zvinosuruvarisa kuti vanogona kutadza kuzowana zvinovimbiswa neShoko raMwari kune vaya vanotenda muna Jesu. Kushingaira kwatichaita kuudza vamwe chokwadi kuchaita kuti tibatsire vanonyatsoda kuziva Mwari kuti vazive chokwadi nezvaJesu, basa rake pakuzadziswa kwechinangwa chaMwari uye kuti haana kuenzana naMwari. Mumwaka weChirangaridzo, uchashingaira kuzivisa chokwadi pamusoro paJesu here?