RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/15 p. 3
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
km 2/15 p. 3

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naFebruary 23, 2015.

  1. Maguta ekupotera evaIsraeri ainge akasiyana papi nenzvimbo tsvene dzevahedheni dzaitizira matsotsi? (Josh. 20:2, 3) [Jan. 5, w10 11/1 p. 15 ndima 4-6]

  2. Sei Joshua akataura nechivimbo chizere mashoko ari pana Joshua 23:14, uye sei tichigona kuvimba zvizere kuti Jehovha anozadzisa zvaanovimbisa? [Jan. 12, w07 11/1 p. 26 ndima 19]

  3. Sei Judha akasarudzwa kuva dzinza rokutanga pakutora nyika yaakapiwa? (Vat. 1:2, 4) [Jan. 19, w05 1/15 p. 24 ndima 5]

  4. Sei Bharaki akasimbirira kuti muprofitakadzi Dhibhora aende naye kwairwiwa hondo? (Vat. 4:8) [Jan. 19, w05 1/15 p. 25 ndima 4]

  5. Paatari yakavakwa naGidhiyoni, chii chinoratidzwa nezita raakaipa, uye tinodzidzei pane izvozvo? (Vat. 6:23, 24) [Jan. 26, w14 2/15 p. 22-23 ndima 9]

  6. Tinodzidzei pane zvakaitwa naGidhiyoni vaEfremu pavaimupopotera? (Vat. 8:1-3) [Feb. 2, w05 7/15 p. 16 ndima 4]

  7. Jefta paakapika, aifunga nezvekubayira munhu here? (Vat. 11:30, 31) [Feb. 9, w05 1/15 p. 26 ndima 1]

  8. Maererano nezviri pana Vatongi 11:35-37, chii chakabatsira mwanasikana waJefta kuti azadzise mhiko yababa vake? [Feb. 9, w11 12/15 p. 20-21 ndima 15-16]

  9. MuIsraeri pamakanga musina mambo ‘munhu wose achiita zvakanga zvakarurama kwaari,’ zvaikurudzira vanhu kusateerera mutemo here? Tsanangura. (Vat. 17:6) [Feb. 16, w05 1/15 p. 27 ndima 7]

  10. Panyaya yekuti tirambe tichinyengetera, tinowana chidzidzo chipi pane zvakaitika kuvaIsraeri pavakakundwa muhondo kaviri nerudzi rwainge rwatsauka pakunamata rwedzinza raBhenjamini? (Vat. 20:14-25) [Feb. 23, w11 9/15 p. 32 ndima 1-4]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe