“Pisai Nomudzimu”
1. Tinofanira kuitei pabasa redu rokuparidzira?
1 Paushumiri hwedu hwechiKristu, hapana patisingafaniri kushingaira. Saka, tinokurudzirwa kuti ‘tipise nomudzimu’ uye kuti ‘tishandire Jehovha.’ (VaR. 12:11) Zvisinei, pane zvakawanda zvinogona kuderedza kushingaira kwedu pakuita ushumiri. ‘Tingakuchidzira sei kushingaira kwedu sezvinoitwa moto’ uye chido chedu chokuita basa redu roUmambo?—2 Tim. 1:6, 7.
2. Kudzidza Bhaibheri munhu ari oga nokushingaira muushumiri zvinobatana papi?
2 Kudzidza Bhaibheri Munhu Ari Oga: Muparidzi weUmambo anobudirira ndeuya anoda mutemo waMwari uye anobayiwa mwoyo nechokwadi chaanowana mauri. (Pis. 119:97) Patinodzidza chokwadi cheBhaibheri tiri toga, izvozvo zvinokurudzira mwoyo yedu uye zvinowedzera kushingaira kwedu. Kuda Iye anotipa chokwadi chakadaro uye chido chedu chokuudza vamwe mashoko akanaka zvinoita kuti tirumbidze Mwari uye tizivise pachena zita rake. (VaH. 13:15) Zviri pachena kuti kuzivisa mashoko akanaka nemwoyo wose kunoratidza kuonga kwakadzama kwatinoita kukosha kwawo.
3. Mudzimu mutsvene waMwari ungatibatsira sei muushumiri?
3 Nyengeterera Mudzimu waMwari: Hatigoni kuita kuti ushumiri hubudirire nesimba redu toga. Kunyatsoshingaira kunobva pakushanda kwemudzimu mutsvene waMwari wakasununguka. (1 Pet. 4:11) Kuswedera pedyo naIye ane “simba guru” kuchatipa simba mune zvokunamata rokuti tipupurire noushingi. (Isa. 40:26, 29-31) Muapostora Pauro paakasangana nedambudziko muushumiri hwake, “akawana rubatsiro runobva kuna Mwari.” (Mab. 26:21, 22) Mudzimu mutsvene waJehovha unopa simba ungatibatsira kuti tipise muushumiri hwedu, saka tinofanira kuunyengeterera.—Ruka 11:9-13.
4. Kushingaira kungava nemigumisiro ipi yakanaka, asi ndezvipi zvatinofanira kungwarira?
4 Kunyatsoshingaira pakuparidza Umambo kazhinji kunoita kuti vamwe vaKristu vashingairewo chaizvo. (2 VaK. 9:2) Mundima, vanhu vangangogamuchira chaizvo mashoko anenge aparidzwa nechido uye nechivimbo. Zvisinei, kushingaira, kunofanira kugara kuchiitwa nokungwarira uye neunyoro. (Tito 3:2) Nguva dzose, tinovavarira kuita kuti saimba anzwe aine mutsigo uye kuremekedza rusununguko rwake rwokusarudza.
5. Izano ripi rakafuridzirwa ratinofanira kuvavarira kushandisa?
5 Sevazivisi voUmambo, nguva dzose ‘ngatipisei nomudzimu.’ Ngativavarirei kushingaira kuburikidza nokudzidza Bhaibheri tiri toga uye kunyengetera kuna Jehovha nemwoyo wose, uyo anogona kutipa mudzimu mutsvene une simba. Tikaita kudaro, tingashingaira pakuita ushumiri hwedu “nomudzimu mutsvene nokuva nechokwadi kwakasimba.”—1 VaT. 1:5.