Nzira Inonakidza Ichangoburwa Yekuparidza Munzvimbo Dzinowanikwa Vakawanda
1. Ungano dzine nzvimbo dzinopfuura nevanhu vakawanda dzakakurudzirwa kuitei?
1 Ungano dzine nzvimbo dzinopfuura nevanhu vakawanda vachifamba netsoka dzakakurudzirwa kuti dziparidze munzvimbo dzakadaro dzichishandisa matafura nezvingoro. Kana pachishandiswa chingoro, panofanira kunge paine anenge akagara kana kumira ipapo, angava muparidzi mumwe chete kana kupfuura. Asi kana iri tafura, panofanira kuva nevaparidzi vaviri. Vaparidzi vacho vanoedza kuva neushamwari, vachiratidza kuti vanoda kutaura nevanhu. Kana munhu akatarisa mabhuku edu, mumwe wevaparidzi vacho anogona kutanga kutaura naye, zvimwe achiti, “Makambofunga here kuti Bhaibheri rinotii nezvenyaya iyoyo?” Mumwe muparidzi kana kuti vaviri, vanogona kumira pekuti vanoona pane tafura, vachiparidza zvisina kurongwa.
2. Taura nyaya yakaitika inoratidza kuti kuparidza nezvingoro nematafura munzvimbo dzinofamba nevakawanda kunoshanda.
2 Pachishandiswa nzira iyi, vanhu vakawanda vakatanga kudzidziswa Bhaibheri. Mumwe mudzidzi wepakoreji akasarudza kunyora nezveZvapupu zvaJehovha asi akashaya kuti Imba yoUmambo yaiva kupi. Vhiki rakatevera, akaona tafura yaiva nemabhuku pedyo nekoreji yacho. Akatanga kudzidza Bhaibheri, akabhabhatidzwa uye iye zvino ava kuparidzawo achishandisa nzira iyi.
3. Vamwe vaparidzi vanonzwa sei nezvenzira yekuparidza munopfuura nevakawanda?
3 Imwe hanzvadzi inonakidzwa nenzira iyi yekuparidza yakati: “Vamwe vanhu vanopfuura vachitora magazini achangobuda. Vamwe vacho vanenge vasati vambonzwa nezveZvapupu zvaJehovha. Ndinoona kuti vanhu vakawanda vanogona kuparidzirwa pachishandiswa nzira iyi.” Imwe hanzvadzi yakati, “Iyi inzira inonakidza ichangoburwa yekuparidza, nokuti vanhu ndivo vanouya kwauri, uye kunyange kana vasinganyatsofariri, vanenge vachida kuziva.”
4. Zvakanakirei kuti muise zvingoro nematafura panguva nenzvimbo zvimwe chete vhiki rimwe nerimwe?
4 Zvakanaka kuisa tafura panzvimbo imwe chete, mazuva mamwe chete, uye panguva dzimwe chete vhiki rimwe nerimwe. Izvi zvinoita kuti vanhu vajaire kuona matafura acho, zvoita kuti vanzwe vakasununguka kubvunza mibvunzo kana kuti kutora mabhuku. Ungano yenyu yakaronga kuparidza munowanika vakawanda here? Kana yakaronga kare, zvimwe unogona kushandisa nzira iyi inonakidza uye inobudirira yekuzivisa “Umambo hwaMwari kwose kwose.”—Ruka 9:60.