Purogiramu Yevhiki yaNovember 24
VHIKI INOTANGA NANOVEMBER 24
Rwiyo 50 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 16 ¶10-17 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 28-31 (10 min.)
Nha. 1: Dheuteronomio 30:15–31:8 (4 min. zvichidzika)
Nha. 2: Mhuka Mweya—rs p. 266 ¶1–p. 267 ¶2 (5 min.)
Nha. 3: Kubatana Nezvimwe Zvitendero Haisi Nzira yaMwari—td 23A (5 min.)
Musangano Webasa:
10 min: “Shandisa Nzvimbo Yedu yepaIndaneti Muushumiri—‘Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa.’” Kukurukurirana. Taurai mimwe mibvunzo inopindurwa pachikamu ichi chepajw.org. (Endai pajw.org, motarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA.) Enzanisirai muchidimbu muchishandisa zano rimwe chete pane ari munyaya ino. Kumbirai vateereri kuti vataure dzimwe nzira dzokushandisa chikamu ichi chepajw.org muushumiri.
10 min: “Ndamushaya Zvakare!” Kukurukurirana. Kurukurai kuti nei zvichikosha kuti tisaneta kana tichishaya munhu pamba pake patinodzoka.—Mat. 28:19, 20; Mako 4:14, 15; 1 VaK. 3:6.
10 min: “Bhuku Idzva Rinobatsira Pakutsvakurudza.” Hurukuro. Dzokororai mirayiridzo iri pasumo yebhuku raKutsvakurudza, pakanzi “Matsvakiro Aungaita.” Taurai zvakasiyana-siyana zviri mubhuku iri idzva. Ivaiwo nemunhu anoenzanisira muchidimbu achitaura oga achishandisa bhuku raKutsvakurudza.
Rwiyo 69 Nemunyengetero