Makore 100 Ekuzivisa Umambo!
1. Makore anoda kusvika 100 apfuura, vanhu vaJehovha vakakurudzirwa kuitei?
1 “Tarirai, Mambo anotonga! Imi muri nhume dzake dzinozivisa. Naizvozvo zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.” Nemashoko iwayo anokurudzira akataurwa naHama Rutherford makore anoda kusvika 100 apfuura, vanhu vaJehovha vakakurudzirwa kuzivisa mashoko oUmambo munyika yose. Izvozvo ndizvo zvatakaita! Sezvakaitwa nevaKristu vekutanga, takaparidza mashoko akanaka oUmambo ku“zvisikwa zvose zviri pasi pedenga.” (VaK. 1:23) Mumakore 100 apfuura, takaitei kuti tizivise Umambo hwaMwari? Tingaramba sei tichizivisa Umambo uhwo hwava kusvitsa makore 100 hwagadzwa?
2. Zvinyorwa zvedu zviri kuzivisa sei nezveUmambo hwaMwari?
2 Zvatakaita: Zvinyorwa zvedu zvava nemakumi emakore zvichitaura nezveUmambo hwaMwari. Kubvira muna 1939, magazini yedu yakakurumbira yakapiwa zita rekuti, Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha. Magazini iyi inonyanya kutaura nezveUmambo uye zvahuchaita. Magazini yeMukai! inoratidzawo kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchapedza matambudziko evanhu. Saka zvakakodzera kuti magazini aya maviri ndiwo ari kuwanika mumitauro yakawanda uye ari kuparadzirwa pasi rose!—Zvak. 14:6.
3. Ndedzipi dzimwe nzira dzatakashandisa pakuzivisa Umambo?
3 Vanhu vaJehovha vakashandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti vazivise Umambo. Kare, taishandisa nhepfenyuro dzeredhiyo, motokari dzine magudzanzwi, uye magiramufomu aitakurika. Nzira idzodzo dzakabatsira chaizvo kuparadzira mashoko akanaka kuvanhu vakawanda panguva yakwaiva nevazivisi veUmambo vashoma. (Pis. 19:4) Mumakore mashoma apfuura, takatanga kuzivisa vanhu vakawanda nezveUmambo pajw.org, kusanganisira vaya vanogara kwatisingabvumirwi kuparidza.
4. Ndedzipi dzimwe nzira dzekuparidza dzatava kushandisa?
4 Vanhu vaJehovha vakashandisawo dzimwe nzira dzokuparadzira nadzo mashoko oUmambo. Semuenzaniso, kuwedzera pakuparidza paimba neimba, kuma1990 takatangawo kuparidza mumapaki, munopakwa motokari, uye munzvimbo dzebhizimisi. Munguva pfupi yapfuura takatanga chirongwa chokuparidza munopfuura nevakawanda mumaguta makuru pasi rose. Uyewo, ungano dzakawanda dziri kuparidza munzvimbo dzinowanika vakawanda mundima dzadzo dzichishandisa zvingoro nematafura emabhuku. Zvisinei, nzira yatichiri kunyanya kushandisa ndeyokuparidza paimba neimba.—Mab. 20:20.
5. Vakawanda vedu tichawana mukana upi pachatanga gore rebasa?
5 Zviri Mberi: Pachatanga gore rebasa muna September, vakawanda vachava mapiyona enguva dzose. Uchatangawo kupayona here? Kana zvisingaiti, ungagarawo uchiita upiyona hwebetsero here? Jehovha achakomborera zvose zvauchaedza kuita kuti unyatsoshanda pakuzivisa Umambo, pasinei nokuti wakwanisa here kuita upiyona kana kuti kwete.—Mar. 3:10.
6. Nei October wegore rino ari mwedzi unokosha chaizvo?
6 Muna October 2014, Umambo huchange hwanyatsosvitsa makore 100 hwagadzwa. Saka, Nharireyomurindi yevoruzhinji yemwedzi iwoyo ichange ichitaura nezveUmambo hwaMwari. Saka, pangava nechekumirira here kuti upe vanhu vakawanda magazini iyi sezvaungakwanisa? Sezvatinotarira mberi, mumwe nemumwe wedu ngaarambe “achizivisa mashoko akanaka pamusoro poumambo hwaMwari” kuvanhu vose vachateerera.—Mab. 8:12.