Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kugadzirira Mashoko Ekusuma
Nei Zvichikosha: Kana mashoko edu ekusuma asingaiti kuti munhu afarire, saimba anogona kugumisa kukurukurirana kwacho tisati tatombotanga kumuparidzira. Saka vaparidzi vakawanda vanoona mashoko avo ekusuma sechikamu chinonyanya kukosha pamharidzo yavo. Kunyange zvazvo mharidzo dzokuenzanisira dzichiiswa muUshumiri Hwedu hwoUmambo uye mubhuku raKukurukurirana, kakawanda kacho dzinenge dzisina mashoko ose ekutaura pakusuma, kuitira kuti tikwanise kuchinja maererano nezvinenge zvichidiwa. Kunyange kana mharidzo yokuenzanisira iine mashoko ose, vaparidzi vanogona kusarudza kuigadzirisa kana kuti kugadzirira yavo voga. Naizvozvo, tinogona kubudirira kana tikanyatsogadzirira mashoko edu ekusuma pane kuti tingotaura zvinenge zvauya mupfungwa saimba paanovhura suo.—Zvir. 15:28.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Ivai nenguva yokugadzirira uye kudzidzira mashoko ekusuma pamunoita kunamata kwemhuri.
Pamunenge muri muushumiri, udzawo vamwe vaparidzi zvawakaronga kutaura. (Zvir. 27:17) Chinja mashoko ako ekusuma kana asingabudiriri.