Tingagadzirira Sei Sumo Dzinobudirira?
1. Sumo yakanaka inokosha zvakadini?
1 Sezvo nzwisa yezvokudya zvinonhuwirira ichiita kuti munhu abva ada kudya zvakawanda, sumo yakanaka inoitawo kuti munhu ade kukurukurwa naye Magwaro zvakanaka. Sumo dzinobudirira dzingasiyana-siyana paurefu uye pamashoko, asi sezvinoita zvokudya zvinonaka, zvinokosha kuwana nguva yokunyatsodzigadzirira. (Zvir. 15:28) Chii chinoita kuti sumo ibudirire?
2. Tingagadzirira sei sumo dzinoita kuti vanhu vafarire?
2 Sarudza Nyaya Dzinofarirwa Nevanhu: Sumo yedu inofanira kuita kuti saimba ade kunzwa zvakawanda, kana tikasadaro anogona kubva adimburira nyaya yedu panzira. Saka paunenge uchigadzirira, funga nezvezvinofarirwa nevanhu mundima yenyu. Vanhu vemundima yenyu vanoda kunzwa nezvehurumende yakanaka here, upenyu hwemhuri hunofadza kana kuti kupera kwehondo? Vanhu vanowanzoda kutaura mafungiro avo, saka gadzirira kubvunza mubvunzo unoita kuti vafunge. Unogona here kushandisa dzimwe sumo dzokuenzanisira dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo wodzichinja kuti dzienderane nendima yenyu? Madii kupota muchidzidzira dzimwe sumo pamanheru Okunamata Kwemhuri?
3. Tingachinja sei sumo dzedu kuti dzienderane netsika uye mamiriro ezvinhu evanhu vemundima yedu?
3 Funga Nezvetsika Uye Mamiriro Ezvinhu Evanhu Vomundima Yacho: Mune dzimwe nzvimbo, tinofanira kutaura zvatafambira patinongosvika. Kune dzimwewo nzvimbo, vanhu vanonzi vanofanira kutanga vakwazisana vobvunzana upenyu kana kutaurawo dzimwe nyaya vasati vataura zvavafambira. Mune dzimwe nzvimbo, vanhu vakajaira Bhaibheri zvokuti hazvitiomere kushandisa Bhaibheri patinotanga kutaura navo. (Mab. 2:14-17) Zvisinei, kunzvimbo dzine vanhu vane zvitendero zvisiri zvechiKristu, kana kuti vasingatopindi chitendero zvachose, zvinenge zvakanaka kuzotaura nezveBhaibheri patinozodzoka, pane kuzviita patinovaona kekutanga.—Mab. 17:22-31.
4. Ndezvipi zvatinofanira kufunga nezvazvo panyaya yemashoko okutanga esumo yedu?
4 Mashoko Aunotanga Kutaura: Nyatsofunga nezvemashoko auchatanga kutaura. Zvakanaka kuti utaure mashoko mashoma ari nyore kunzwisisa. Matauriro atinoita mashoko okutanga anokoshawo. Taura nechido. Nyemwerera nomwoyo wose uchiratidza ushamwari kuna saimba. Kushandisa mazano aya kuchatibatsira kugadzirira sumo dzakanaka dzichaita kuti vanhu vomundima yedu vade kudya “patafura yaJehovha.”—1 VaK. 10:21.