Purogiramu Yevhiki yaMay 12
VHIKI INOTANGA NAMAY 12
Rwiyo 49 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 7 ¶1-8 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 27-29 (10 min.)
Nha. 1: Eksodho 29:19-30 (4 min. zvichidzika)
Nha. 2: Jesu Haana Kukamura Mutemo waMosesi Kuita Zvikamu Zviviri, “Chemuitiro” Uye “Chetsika”—rs p. 325 ¶4–p. 326 ¶1 (5 min.)
Nha. 3: Jesu Akafira Pamuchinjikwa Here?—td 28A (5 min.)
Musangano Webasa:
15 min: Marudzi Ose Achadirana Achienda Kwariri. (Isa. 2:2) Bvunzurudzai vaparidzi vaviri, mumwe ava nemakore akawanda ari muchokwadi uye mumwe achiri mutsva. Chii chakaita kuti vafarire chokwadi? Zvipingamupinyi zvipi zvavakakurira? Chii chakavanakidza pavakatanga kupinda misangano yeungano? Zvii zvavachiri kuyeuka zvakaitika pavakatanga kuita ushumiri? Vamwe vari muungano vakavabatsira sei kuti vafambire mberi pakunamata?
15 min: “Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kugadzirira Mashoko Ekusuma.” Kukurukurirana. Ivai nemienzaniso mipfupi miviri asi ichiitwa nevanhu vamwe chete. Wokutanga ngauve nemashoko ekusuma asina kugadzirirwa, uye mumwe wacho wova nemashoko ekusuma akanyatsogadzirirwa. Kana nguva ichibvumira, shandisaiwo pfungwa dzinokosha dziri pamapeji 215-219 ebhuku reChikoro Choushumiri.
Rwiyo 117 Nemunyengetero