RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/13 p. 3
  • Nyaya Dzinotibatsira Muushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyaya Dzinotibatsira Muushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Nyaya Itsva Dzokushandisa Pakutanga Zvidzidzo zveBhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Uri Kunyatsoishandisa Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Upenyu hwaJesu Noushumiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Nyaya Itsva Ichange Yava Kubuda muNharireyomurindi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 11/13 p. 3

Nyaya Dzinotibatsira Muushumiri

1. Nyaya dzakanzi “Kukurukura Nemuvakidzani” dzine chinangwa chei?

1 Nharireyomurindi yevoruzhinji inombobudisa nyaya dzakanzi, “Kukurukura Nemuvakidzani.” Chinangwa chenyaya idzi ndechokutsanangura zvinodzidziswa neBhaibheri nenzira inoita kuti vanhu vafarire, uye chokuratidza kuti tingakurukura sei dzimwewo nyaya tisingagumburi vamwe. (1 Pet. 3:15) Tingashandisa sei nyaya dzacho zvakanaka?

2. Tingashandisa sei nyaya dzakanzi “Kukurukura Nemuvakidzani” muushumiri?

2 Dzishandise Muushumiri: Unogona kuchengeta magazini eNharireyomurindi anenge aine nyaya dzacho. Kana saimba, munhu anofarira, kana kuti mudzidzi weBhaibheri akamutsa mubvunzo unopindurwa neimwe yenyaya dzacho, mupe magazini ine nyaya iyoyo uye muudze kuti munogona kuzoikurukura. Kana usina magazini ine nyaya yacho, unogona kuiwana pajw.org.

3. Tingakurukura sei imwe yenyaya dzacho nasaimba?

3 Ungakurukura sei imwe yenyaya idzi nasaimba? Vamwe vakakumbira saimba kuti averenge zvinonzwika mashoko emuvakidzani, ivo vachiverenga mashoko eChapupu. Kuita izvi kunoshanda nokuti kunobatsira saimba kuti aongorore zvatinotenda asingaoni seari kuitiswa nharo.—Dheut. 32:2.

4. Tingashandisa sei nyaya idzi kuti tibudirire muushumiri?

4 Dzidza Uye Dzidzisa Vamwe: Paunoverenga nyaya idzi, ona kushandiswa kwakaitwa magwaro nemienzaniso, uye kubatsirwa kunoitwa saimba kuti afunge. Onawo mataurirwe anoitwa mashoko acho. Ibva waedza kuzvitevedzera paunenge uri muushumiri. (Zvir. 1:5; 9:9) Imwe hanzvadzi yakati, “Kuverenga nyaya idzi kwakaita sekudzidza kuna piyona anonyatsogona basa, anonyatsoziva zvokutaura nguva dzose!”

5. Tingabatsira sei vadzidzi veBhaibheri kugadzirira ushumiri?

5 Unogonawo kushandisa nyaya dzacho pakubatsira vadzidzi vako veBhaibheri kugadzirira ushumiri. Verengai mashoko acho mose, uchiita kuti mudzidzi averenge mashoko anotaurwa nemuparidzi. Kana mukadaro, vadzidzi veBhaibheri vachadzidzira kutsanangura zvavanotenda vasingagumburi vamwe. (VaK. 4:6) Zvechokwadi, nyaya idzi dzinotova imwe nzira inoshandiswa naJehovha kutibatsira kuita ushumiri hwedu “zvizere.”—2 Tim. 4:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe