Nyaya Itsva Dzokushandisa Pakutanga Zvidzidzo zveBhaibheri
1. Inyaya dzipi itsva dzichange dzava kuwanika muNharireyomurindi yevoruzhinji, uye dzinofanira kushandiswa sei?
1 Kutanga mwedzi unouya, muNharireyomurindi yevoruzhinji muchange mava nenyaya itsva dzichatibatsira kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Nyaya dzacho dzinoti “Dzidza Kubva Mushoko raMwari.” Ichokwadi kuti vamwe vari mundima vachanakidzwa nokuverenga nyaya imwe neimwe iri muchikamu ichi, asi nyaya idzi dzakagadzirirwa kuti dzishandiswe pakukurukura navanasaimba.
2. Ndezvipi zvimwe zvichange zviri munyaya idzi?
2 Zvichange Zviri Munyaya Dzacho: Musoro mukuru nemisoro miduku yakanyorwa iri mibvunzo yokubvunza saimba pakukurukurirana. Makaiswa magwaro, asi mashoko acho haana kunyorwa kuitira kuti saimba anakidzwe nokudzidza kubva mumapeji eShoko raMwari. Ndima dzacho ipfupi kuitira kuti dzikwanise kukurukurwa pasuo. Nyaya imwe neimwe ichakuendesai mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? kuti zvikubatsirei kutanga kushandisa bhuku racho pakudzidza pazvinenge zvakakodzera.
3. Patinenge tichiparidza paimba neimba tingashandisa sei nyaya idzi kutanga chidzidzo cheBhaibheri pasuo rasaimba?
3 Kushandisa Kwatingadziita: Pamunogovera magazini munogona kubvunza saimba mubvunzo unoita kuti munhu afarire une chekuita nenyaya yacho. Somuenzaniso, nyaya iri mumagazini yaJanuary 1 inokurukura nezvekukosha kweBhaibheri. Ungabvunza kuti: “Munoona Bhaibheri seShoko raMwari here kana kuti sebhukuwo zvaro rakangonaka? [Rega apindure.] Ndine mashoko amungafarira ane chokuita nenyaya iyi.” Muratidze mubvunzo wokutanga, woverenga ndima yokutanga nerugwaro ruripo. Verengazve mubvunzo wacho, wokumbira saimba kuti ataure zvaanofunga. Kurukurai mashoko akawanda zvakakodzera muchishandisa mibvunzo iripo. Musati maenda, muratidzei mubvunzo unotevera, moronga kuti muchadzoka rini kuzoukurukura. Dzokerai vhiki imwe neimwe kuti munokurukura zvakawanda nezvenyaya yacho kusvikira mazouya nemagazini yemwedzi unotevera. Imwe nzira ndeyokuudza saimba zvakananga kuti munoda kudzidza naye Bhaibheri. Zvadaro chishandisai nyaya iri mumagazini yacho kuratidza kudzidza kwatinoita.
4. Tingashandisa sei nyaya idzi patinodzokera kune vanhu vanenge vafarira?
4 Munogona kushandisawo nyaya idzi zvinobudirira pamunoshanyira vaya vamunogara muchiendesera magazini uye pamunodzokera kune vanofarira. Munogona kungoti: “Pane nyaya itsva yava muNharireyomurindi. Regai ndikuratidzei kuti mungaishandisa sei.” Tinonyengeterera kuti nyaya idzi dzichaita kuti vakawanda “vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Tim. 2:4.