Purogiramu Yevhiki yaDecember 24
VHIKI INOTANGA NADECEMBER 24
Rwiyo 5 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
jr chits. 3 ¶1-6 (30 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Zekariya 9-14 (10 min.)
Nha. 1: Zekariya 11:1-13 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Mwari Anofarira Kuteerera Minyengetero Yevanhu Vakaita Sei?—rs p. 254 ¶8–p. 255 ¶6 (5 min.)
Nha. 3: Ndepapi Patingashandisa Zano Riri Pana Zvirevo 15:1? (5 min.)
□ Musangano Webasa:
30 min: Mashandisiro Atinganyatsoita Nzvimbo Yedu Yokubudisira Mashoko paIndaneti. Kukurukurirana zviri pamapeji 3-6. Pamunenge muchikurukura peji 4, ivai nemuenzaniso wemaminitsi matatu wemhuri ichipedzisa kuita manheru oKunamata Kwemhuri. Musoro wemhuri unobva wabvunza kuti zvii zvavanoda kuzokurukura vhiki rinotevera, uye vana vanotaura kuti vanoda zviri pakanzi “Teenagers” panzvimbo yedu yepaIndaneti. Kumbirai vateereri kuti vataure kuti vari kushandisawo sei jw.org, kana kuti vari kuronga kuzoishandisa sei pakudzidza vari voga kana kuti semhuri. Pamunenge muchikurukura peji 5, ivai nemuenzaniso wemaminitsi matatu wemuparidzi ane foni achishandisa nzvimbo iyi yepaIndaneti kupindura mubvunzo wabvunzwa nasaimba nezvezvatinotenda. Pamunenge muchikurukura peji 6, ivai nemuenzaniso wemaminitsi mana wemuparidzi achitaura nemunhu anofarira uye munhu wacho anoda kuverenga mabhuku nemumwe mutauro. Muparidzi anoshandisa foni yake kana kuti kombiyuta yasaimba kumuratidza zviri papeji rine turakiti raZiva Chokwadi kana kuti bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? mumutauro wasaimba vobva vakurukura zviripo. Kumbirai vateereri kuti vataure mashandisiro avari kuita jw.org pakuita ushumiri.
Rwiyo 101 Nemunyengetero