“Mazano Okugovera Magazini Muna . . .”
PaMusangano weBasa mwedzi mumwe nomumwe tinowanzova nechikamu chinotaura nezvekugovera magazini. Chinangwa chacho hachisi chokudzokorora nyaya dziri mumagazini acho. Asi chikamu ichi chakagadzirirwa kuti tikurukure mazano okushandisa pakugovera magazini. Saka hama inenge iine hurukuro iyi inopa sumo pfupi-pfupi inoita kuti vanhu vanakidzwe nekugovera magazini acho. Zvadaro, achakumbira vaparidzi kuti vataure zvavanofunga nezvenyaya imwe chete kana kuti dzakatevedzana, kuitira kuti vose vaone zviri kutaurwa uye mazano avangada kushandisa. Panzvimbo pokukumbira vateereri kuti vataure mharidzo yose chaachangoita kukumbira vakawanda kuti vataure mibvunzo inoenderana nenharaunda yenyu okumbira zvekare kuti vaparidzi vataure rugwaro rwavachaverenga. Anobva agumisa nokuva nemuenzaniso pamagazini imwe neimwe. Tinokurudzirwa kuti tigare taverenga magazini, kuitira kuti tigozokwanisa kutaura mazano atinofungawo. Kana tose tikagadzirira zvakanaka chikamu ichi chichatibatsira kurodzana zviso zvedu.—Zvir. 27:17.