Bhokisi Remubvunzo
◼ Zvii zvatinofanira kuyeuka kana tichida kuti zvinhu zvatiinazvo zvizopiwa sangano raJehovha kana tichinge tafa?
Munhu paanofa, anenge asingachakwanisi kuona kuti zvinhu zvake zviri kufambiswa sei. (Mup. 9:5, 6) Saka vakawanda vanogara vanyora wiri inotsanangura magoverwo achaitwa zvinhu zvavo. (2 Madz. 20:1) Gwaro iri repamutemo rinoratidzawo kuti ndiani achatungamirira pakugovewa kwenhaka. Kana gwaro iri risipo, munyika dzakawanda hurumende ndiyo inoona kuti zvinhu zvomufi zvagovewa sei. Saka kana pane magoverwo atinoda kuti pfuma yedu izoitwa, zvakadai sokuiendesa kusangano raJehovha zvakakosha kuti tinyore gwaro iri repamutemo rinonyatsotaura zvatinoda uye tonyatsosarudza munhu akakodzera anozotungamirira pakugovewa kwepfuma yedu.
Anotungamirira pakugova nhaka ane basa guru. Zvichienderana nokuwanda kwakaita pfuma yacho, munhu achatungamirira pakugova ane zvakawanda zvaanofanira kuita uye zvinhu zvacho zvinoda nguva yakawanda. Zvimwe zvacho zvinosanganisira kuunganidza upfumi hwose hwomufi uye kuzohugova. Uyezve panyaya yokugova pfuma, hurumende ine mirayiridzo yezvinofanira kuitwa. Haasi wose ari muungano anogona kushandiswa pakuita basa rokutungamirira pakugova nhaka. Tinofanira kuva nechokwadi chokuti munhu watinosarudza anozokwanisa kuita basa racho, akavimbika, uye anoda kuita zvido zvedu.—Ona nyaya inoti “The Wisdom and Benefits of Estate Planning,” muMukai! yeChirungu yaDecember 8, 1998.
Kutungamirira Pakugovewa Kwenhaka: Kana uchinge wakumbirwa kuti uzoona nezvezvinhu zvinenge zvasiyiwa nemufi, usati wabvuma tanga waona kuti unozozvikwanisa here uye ita zvokunyengetera uchifunga nezvenyaya yacho kuti uone kana uchizozvikwanisa. (Ruka 14:28-32) Kana munhu wacho afa, unenge uchifanira kuzozivisa vose vachazowana nhaka yacho. Kana uchinge wapiwa mvumo yokugova, rinenge rava basa rako kuona kuti pfuma yagovewa zvinoenderana nomutemo uye nezvido zvomufi zviri pawiri. Munhu anenge ari kutungamirira anofanira kutevedzera zvose zviri pawiri pasinei nekuti pfuma yacho yakawanda kana kuti ishoma. Zvipo zvose zvinoendeswa kusangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha ipfuma inenge yatsaurirwa kuti ishandiswe nesangano raJehovha.—Ruka 16:10; 21:1-4.