RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g07 October p. 19
  • Kurwadziwa Uye Kutenda Kuchiparadzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurwadziwa Uye Kutenda Kuchiparadzwa
  • Mukai!—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinotii Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzega?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mubvunzo Wakaomesesa
    Mukai!—2007
  • Mwari Ari Kutirova Neshamhu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Njodzi Dzinongoitika Dzoga—Nei Dzanyanya Kuwanda?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Mukai!—2007
g07 October p. 19

Kurwadziwa Uye Kutenda Kuchiparadzwa

“Zvitunha zvakanga zvakati katakata uye takanga tisingachazivi paimbova neimba yedu,” ndizvo zvakataura mumwe murume wekuSri Lanka pashure pokunge tsunami yaparadza musha wavo muna December 2004. Mune imwe nyaya yaitaura nezvenjodzi yacho, mumwe mupepeti wenyaya dzechitendero mune rimwe pepanhau akati dzimwe nguva “ainyengetera akagumbuka.”

Vakawanda vanoona njodzi dzinongoitika dzoga sechirango chinobva kuna Mwari. Mumwe munyori akatsanangura rimwe dutu raiparadza achiriti “chibhakera chaMwari.” MuUnited States, vamwe vafundisi vakatsanangura dutu rakazonzi Hurricane Katrina vachiti dzaiva “hasha dzaMwari kumaguta ane zvivi.” MuSri Lanka, vaBhudha vaiva nehasha vakati vaKristu ndivo vaiva vakonzera tsunami, zvikawedzera kuvengana kunoita zvitendero zvavo. Mumwe mukuru mukuru wetemberi yeHindu aifunga kuti mwari wavo anonzi Shiva akanga atsamwa nokuti vanhu vakanga varasa tsika. Mumwe mufundisi wechiBhudha wokuUnited States akataura nezvenjodzi dzinongoitika dzoga achiti: “Hatizivi kuti nei zvinhu zvakadai zvichiitika. Hatitombozivi kuti nei tiri pano.”

Paunoona mifananidzo yedzimba dzinenge dzaparadzwa, vanhu vanenge vafa uye vamwe vasisina tariro, unombozvibvunza here kuti, ‘Nei Mwari achibvumira kutambura kwakadai?’ Kana kuti unoona here sokuti ‘Mwari ane zvikonzero zvakanaka zvaasina kutiudza zvokubvumira kuti zvinhu zvakadaro zviitike’? Nyaya dzinotevera dzichapindura mibvunzo iyi. Dzinotaurawo zvingaitwa nevanhu kana njodzi dzichida kuitika kana dzaitika kuti vanokuvara nevanofa vaite vashoma.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Vafundisi vakawanda havazivi kuti nei Mwari achibvumira njodzi dzinongoitika dzoga

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe