“Ndinofanira Kushuma Nguva Yakawanda Sei?”
Wakambobvunza mubvunzo iwoyo here? Mimwe mirayiridzo inowanikwa pamapeji 86-87 ebhuku raTakarongwa. Zvimwewo zvatinofanira kuita zvinombotaurwa, sezviri muBhokisi Remibvunzo reUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 2008. Hapana hapo mitemo yakawandisa yatakapiwa sezvo mamiriro ezvinhu achisiyana. Saka, zvingave zvisina kukodzera kuti vakuru kana kuti vamwewo vanhu vape mirayiridzo yavo yokuwedzera.
Kana pakava nemubvunzo asi pasina murayiridzo wakapiwa panyaya yacho, muparidzi mumwe nomumwe anofanira kuzvibvunza kuti: Nguva yacho yakapedzerwa muushumiri here? Kana kuti yakapedzerwa mukuita zvimwe zvinhu zvisinei neushumiri? Zvatinonyora pamushumo wedu webasa mwedzi mumwe nomumwe zvinofanira kuita kuti tifare pane kuti tive nehana inonetseka. (Mab. 23:1) Chokwadi, chatinonyanya kukoshesa haasi maverengero atinoita nguva asi kuishandisa kwatinoita nokushingaira muushumiri.—VaH. 6:11.