Purogiramu Yevhiki yaJune 27
VHIKI INOTANGA NAJUNE 27
Rwiyo 123 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 5 ¶17-22 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 52-59 (10 min.)
Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri (20 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Zviziviso. “Ndinofanira Kushuma Nguva Yakawanda Sei?” Hurukuro inopiwa nemukuru. Hurukuro yapera, shandisai mharidzo yokuenzanisira iri papeji 4 kuti muratidze kuti chidzidzo chingatangwa sei Mugovera wokutanga muna July. Kurudzirai vose kuti vaitewo basa.
10 min: Gadzirira Kugovera Magazini Muna July. Kukurukurirana. Taurai kweminiti imwe kana maviri zviri mumagazini acho. Madaro, sarudzai nyaya mbiri kana nhatu uye kumbirai vateereri kuti vataure mibvunzo nemagwaro zvingashandiswa mumharidzo. Enzanisirai kugoverwa kungaitwa magazini imwe neimwe.
15 min: Ratidza Kuchenjerera Paunenge Uchiparidza. Kukurukurirana kubva mubhuku reChikoro Choushumiri mapeji 197-199. Ivai nomuenzaniso unoratidza muparidzi ari kupindura asina kuchenjerera munhu anenge aramba sezvinowanzoitwa nevanhu vari mundima yenyu. Ivai nemumwe muenzaniso, muparidzi wacho achipindura nokuchenjera munhu ari kuramba sezvamboitwa.
Rwiyo 92 Nemunyengetero