RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/11 p. 3
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
km 6/11 p. 3

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naJune 27, 2011. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 20 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaMay 2 kusvika yaJune 27, 2011.

1. Tinodzidzei pakuti Jehovha akati Jobho anyengeterere vaya vakanga vamutadzira? (Job. 42:8) [w98-CA 8/15 p. 30 ndima 5]

2. “Zvibayiro zvokururama” zvinopiwa nevaKristu mazuva ano chii? (Pis. 4:5) [w06-CA 5/15 p. 18 ndima 9]

3. Itsvo dzaDhavhidhi dzakamururamisa sei? (Pis. 16:7) [w04-CA 12/1 p. 14 ndima 9]

4. “Matenga anozivisa kubwinya kwaMwari” sei? (Pis. 19:1) [w04-CA 10/1 p. 10 ndima 8]

5. Pisarema 27:14 rinoratidza kuti tariro noushingi zvakabatana sei? [w06-CA 10/1 map. 26-27 ndima 3, 6]

6. Pisarema 37:21 inofanira kuita kuti tiite sei pamabatiro atinoita hama dzedu? [w88-CA 8/15 p. 17 ndima 8]

7. Chidzidzo chipi chokukoshesa kunamata chatinowana pane zvakaitwa nomumwe muRevhi aive akatapwa? (Pis. 42:1-3) [w06-CA 6/1 p. 9 ndima 3]

8. Chii chingatibatsira kuti tiedze kuda zvakarurama uye kuvenga zvakaipa? (Pis. 45:7) [cf-CA map. 58-59 ndima 8-10]

9. Dhavhidhi akakumbira kuti atsigirwe “nomwoyo unoda” waani? (Pis. 51:12) [w06-CA 6/1 p. 9 ndima 10]

10. Tingava sei somuti womuorivhi muimba yaMwari? (Pis. 52:8) [w00-CA 5/15 p. 29 ndima 6]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe