Purogiramu Yevhiki yaMay 23
VHIKI INOTANGA NAMAY 23
Rwiyo 39 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 4, bhokisi riri pap. 33 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 19-25 (10 min.)
Nha. 1: Pisarema 23:1–24:10 (4 min. kana asingasviki)
Nha. 2: VaJudha Vose Vachatendeutswa Kuti Vatende Kristu Here?—rs-CA p. 392 ¶4–p. 393 ¶1 (5 min.)
Nha. 3: VaRoma 8:21 Ichazadzika Sei Uye Rini? (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Zviziviso. “Kushandisa Kwatingaita Fomu Rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43).” Kukurukurirana.
10 min: Zvinhu Zvitatu Zvinobatsira Pakusuma Zvinobudirira. Hurukuro inobva mubhuku rinonzi Kukurukurirana, peji 9, ndima 1. Pashure pokukurukura mashoko acho, ivai nemienzaniso miviri inoratidza kusuma kwamungaita bhuku richagoverwa muna June.
15 min: Wakazviedza Here? Kukurukurirana. Muchipa iri hurukuro, dzokororai muchidimbu mashoko ari munyaya idzi dzakabuda muUshumiri Hwedu hwoUmambo munguva pfupi yakapfuura: “Rishandise Nguva Dzose” uye “Nyaya Itsva Dzokushandisa Pakutanga Zvidzidzo zveBhaibheri” (km-CA 12/10) uyewo yakanzi “Rubatsiro Kumhuri” (km-CA 1/11). Kumbirai kuti vateereri vataurewo kuti vakaedza sei kushandisa mazano ari munyaya idzi uye kuti vakabatsirwa sei.
Rwiyo 56 Nemunyengetero