Ungabatsira Here Munhu Asingatendi Ane Murume Kana Mudzimai Chapupu?
1. Nei vaKristu vane varume kana vakadzi vasingatendi vasiri ivo voga vanoda kubatsira munhu asingatendi wavakaroorana naye kuti afarire chokwadi?
1 Muungano yenyu mune muparidzi ane murume kana kuti mudzimai asingatendi here? Kana zvakadaro, zviri pachena kuti vaparidzi vakadaro vangada kuti vavakaroorana navo vabatane navo pakunamata kwechokwadi. Asi havasi ivo voga vangada kuti zvidaro. Kufanana naMwari, ungano yose inoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Tingabatsira sei murume kana mudzimai asingatendi wemuparidzi ari muungano yedu?
2. Uchenjeri huchatibatsira sei pakuyamura munhu asingatendi akaroorana neChapupu?
2 Kutanga, tinofanira kuedza kuona zvinhu semaonero anoita munhu wacho asingatendi. Vasingatendi vakawanda vanoda mhuri dzavo uye vanoedza kuva murume, mudzimai kana kuti mubereki akanaka. Zvimwe vakaperera pane zvavanodavira zvakasiyana nezvatinodavira. Pamwe havana zvavanoziva nezveZvapupu zvaJehovha kunze kwezvavakangoudzwa nevavanoshamwaridzana navo vasingafariri Zvapupu. Vamwe vanotsamwira wavakaroorana naye kuti ava kuita zvinhu zvine chokuita nekunamata panguva yavaimbotandara semhuri. Uchenjeri huchatibatsira kuti tive nemutsa uye ruremekedzo kune munhu asingatendi uye kudzivisa kutya kwakanyanya patinenge tiinaye.—Zvir. 16:20-23.
3. Ndeipi nzira yakanyanya kunaka ingaita kuti munhu asingatendi afarire chokwadi?
3 Kuvafarira: Zviito zvedu ndiyo nzira yokutanga yakanyanya kunaka ingaita kuti munhu asingatendi akaroorana neChapupu afarire chokwadi panzvimbo pokudzidza naye Bhaibheri. (1 Pet. 3:1, 2) Chinhu chinonyanya kukosha panyaya iyi kuratidza kuti unofarira munhu wacho. Hanzvadzi dziri muungano dzinogona kufarira mukadzi asingatendi, uye hama dzinogonawo kuita saizvozvo nemurume asingatendi. Sei?
4. Tingaratidza sei kuti tinofarira munhu asingatendi?
4 Kana usati wamboonana neasingatendi wacho, pamwe zvingava zvakanaka kuzoita kudaro pashure pokukurukura nemurume kana mudzimai wake anenge ari Chapupu. Usaora mwoyo kana munhu wacho asingatendi akasafarira zvaunenge uchiedza kuita. Patinoratidza ushamwari uye kumufarira, zvingaita kuti atange kuona zvakanaka Zvapupu ZvaJehovha. (VaR. 12:20) Vamwe vaKristu vane ruzivo rwakawanda vakakoka munhu asingatendi nemhuri yake kuti vadye zvokudya pamwe chete, vachiitira kuti vazivane zviri nani uye kuti munhu wacho afarire Zvapupu. Vakataura naye nyaya dzaanofarira pane kumanikidza kutaura naye zvine chokuita nekunamata. Pave paya, asingatendi wacho paanenge anyatsosununguka, zvingaita kuzokurukura naye zvine chokuita nekunamata. Kana kuti angabvuma kupinda mumwe wemisangano yedu kuti aone kuti mudzimai kana kuti murume wake ari kumbodzidzei, kunyanya zvaanenge ave kutoziva vamwe vari muungano. Kunyange kana asati ava kuda kunyatsoongorora chokwadi cheBhaibheri, anogona kuongwa nekutsigira mumwe wake anenge ari Chapupu.
5. Vakuru vangabatsira sei munhu asingatendi ane murume kana mudzimai anenge ari Chapupu?
5 Vakuru ndivo vanofanira kunyanya kubatsira munhu ane murume kana kuti mudzimai anenge ari Chapupu uye vanofanira kugara vakagadzirira kushandisa mikana yavangawana yokuti vamuparidzire. Munhu asingatendi akamboramba kuparidzirwa angateerera mashoko emuBhaibheri paanenge ari muchipatara kana kuti paanenge aine chirwere chakakomba. Kana mhuri ine murume kana kuti mudzimai asingatendi ikawirwa nedambudziko rakadai sekufirwa nemumwe munhu wemumhuri, vakuru vangakoka asingatendi wacho kuti avepowo pavanenge vachinyaradza mhuri yacho.
6. Ndezvipi zvikonzero zvatiinazvo zvokuti tibatsire munhu asingatendi ane murume kana mudzimai anenge ari Chapupu?
6 Fungidzira kufara kungazoita muKristu ari muungano yedu kana waakaroorana naye akagamuchira chokwadi cheBhaibheri! Izvozvo zvikaitika zvichafadzawo Jehovha, ngirozi uye ungano yose. (Ruka 15:7, 10) Zvisinei, kana asingatendi wacho akasafarira pekutanga, tinogona kungofara nokuti zvatinoramba tichiedza kuita zvinofadza Jehovha, ‘asina waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.’—2 Pet. 3:9.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Zviito zvedu ndiyo nzira yokutanga yakanyanya kunaka ingaita kuti munhu asingatendi akaroorana neChapupu afarire chokwadi panzvimbo pokudzidza naye Bhaibheri