RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/09 pp. 3-4
  • Tsunga Kupupurira Varume

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsunga Kupupurira Varume
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Munogona Kufara Mumhuri, Kunyange Zvitendero Zvenyu Zvakasiyana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Ungabatsira Here Munhu Asingatendi Ane Murume Kana Mudzimai Chapupu?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Chokwadi Hachiunzi “Rugare, Asi Bakatwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Mirayiridzo Yokuchenjera Kune Vakaroorana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 8/09 pp. 3-4

Tsunga Kupupurira Varume

1. Ndivanaani vari kunyanya kudiwa pakutarisira zvine chokuita noUmambo?

1 Basa roUmambo zvarinoramba richiwedzera mumazuva ano okupedzisira, pari kunyanya kudiwa varume vanokwanisa pane zvokunamata kuti vatungamirire. (Mako 4:30-32; Mab. 20:28; 1 Tim. 3:1-13) Asi mune dzimwe nzvimbo varume vashoma pane vakadzi vari kubvuma shoko roUmambo. Mune dzimwe tsika, varume vanofunga kuti madzimai avo ndiwo anofanira kudzidzisa vana zvine chokuita nokunamata uye zvechitendero. Tingakurudzira sei varume vakawanda kuti vazive nezvechido chavo chokunamata uye kuti vabatane nesu mukunamata kwechokwadi?

2. Kuvavarira kwaPauro naPetro kupupurira varume kwakaguma zvakanaka sei?

2 Vavarira Kupupurira Varume: Musoro wemhuri paunogamuchira chokwadi, kakawanda unoita kuti vamwe vari mumhuri vabatane nawo mukunamata kwechokwadi. Somuenzaniso, Pauro naSirasi pavakaiswa mujeri pamusana pokuparidza kwavo, vakapupurira kumuchengeti wejeri. Murume wacho neimba yake yose vakabhabhatidzwa. (Mab. 16:25-34) Somugumisiro wokuparidza kwaPauro muKorinde, “Krispo mukuru aitungamirira sinagogi akatenda munaShe, uye ndizvo zvakaitawo imba yake yose.” (Mab. 18:8) Petro akashandiswa naJehovha kupupurira kuna Koneriyasi, mukuru weuto anotsanangurwa se“murume akanga akazvipira uye aitya Mwari.” Koneriyasi, pamwe nehama dzake neshamwari dzepedyo vakabhabhatidzwa.—Mab. 10:1-48.

3. Uchitevedzera Firipi, ndiani ‘ane nzvimbo yepamusoro’ waungapupurira?

3 Kupupurira varume “vane nzvimbo dzepamusoro” kungaita zvakawanda. (1 Tim. 2:1, 2) Somuenzaniso, ngirozi yaJehovha yakaudza Firipi kuti ataure no“murume aiva nesimba” aitarisira pfuma yose yamambokadzi wevaItiopiya. Firipi akanzwa murume wacho “achiverenga zvinonzwika bhuku romuprofita Isaya” uye akamutsanangurira mashoko akanaka aitaura nezvaJesu. MuItiopiya uyu akava mudzidzi uye angangove akaparadzira mashoko akanaka paaidzokera kunyika yake. Angave akapupurirawo kuna Mambokadzi nevaya vaiva mumuzinda wake, vanhu vaiva nemikana mishoma yokunzwa mashoko akanaka.—Mab. 8:26-39.

4. Tingapa sei varume mikana yakawanda yokunzwa mashoko akanaka?

4 Kuonana Kwatingaita Nevarume Vakawanda: Kakawanda varume zvavanenge vari kumabasa mukati mezuva, ungaronga here kuva nenguva yakawanda muushumiri ari manheru, pakupera kwevhiki, kana kuti pamazororo? Kugara uchishanda mundima yebhizimisi kuchakupa mimwe mikana yokupupurira varume vasingawanzowaniki pamba. Hama dzingavavarirawo kupupurira zvisina kurongwa kuvanhurume vavanoshanda navo. Muushumiri hwepaimba neimba, kunyanya mundima dzinogara dzakaparidzirwa, dzimwe nguva hama dzingakumbira kutaura nababa vepamba pacho.

5. Hanzvadzi inofanira kuita sei kana ikaparidzira murume obva aratidza kufarira shoko roUmambo?

5 Hanzvadzi inoparidzira murume obva aratidza kufarira haifaniri kudzokera yoga. Inofanira kudzokera nemurume wayo kana mumwe muparidzi. Munhu wacho anofarira sezvaanofambira mberi, zvinowanzova zvakanaka kuita kuti hama inokwanisa imudzidzise.

6. Tingatevedzera sei muapostora Pauro kuti ‘tiwane vanhu vazhinji kwazvo’?

6 Sarudza Nyaya Dzinofarirwa Nevarume: Muapostora Pauro aifunga nezvevakanga vakateerera uye aichinja madzidzisire ake kuitira kuti ‘awane vanhu vazhinji kwazvo.’ (1 VaK. 9:19-23) Isuwo tinofanira kufunga nezvenyaya dzichafarirwa nevarume vatinosangana navo tobva tagadzirira. Somuenzaniso, varume vanowanzova nehanya nematambudziko ezvoupfumi, hurumende yakanaka, uye kuona nezvekuchengeteka kwemhuri yavo. Vangafarirawo chinangwa choupenyu, ramangwana renyika, uye nei Mwari achibvumira kuti vanhu vatambure. Kana tikaratidza njere dzakadaro patinokurukura navo, mharidzo yedu yeshoko roUmambo ichagamuchirwa zvakanaka.—Zvir. 16:23.

7. Vose vari muungano vangabatsira sei varume vasingatendi vanouya kumusangano?

7 Tora Danho Rokubatsira Varume Vasingatendi: Kunyange zvazvo mufambiro wakanaka chaizvo wehanzvadzi dzedu dzechiKristu uchibatsira zvakanyanya varume vavo vasingatendi, nhengo dzeungano dzingabatsirawo. (1 Pet. 3:1-4) Murume asingatendi paanoenda kumusangano pamwe nomudzimai wake, kugamuchirwa noushamwari kwaanoitwa neungano kuchava uchapupu hwakasimba. Kuvapo kwake kungangova kuratidza kufarira chokwadi, uye angabvuma kudzidza Bhaibheri.

8. Hama dzingavavarira sei kuti dzibatsire varume vasingatendi vakaratidza kakufarira chokwadi?

8 Kunewo vamwe varume avo pakutanga vanoratidza kufarira Bhaibheri zvishoma asi pakupedzisira vanozoda kukurukura Bhaibheri nehama yavakasununguka kwairi. Hama dzomune imwe ungano dzakava nechokwadi chokuti pano neapo padzaishanyira imwe mhuri yaiva nemurume asingatendi dzaiti kurukurei zvinhu zvadzaiziva kuti murume wacho aifarira. Izvi zvakazoita kuti vakurukure zvine chokuita neBhaibheri, uye iye zvino akabhabhatidzwa. Pamwewo, imwe hama yakabatsira murume akanga asingatendi aiva noushamwari kuisa fenzi kupoteredza musha wake. Chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa pamusana pokuratidza kumufarira ikoko. (VaG. 6:10; VaF. 2:4) Kana uri hama yechiKristu, wadii kuedza kukurukura nomumwe chete kana vakati wandei vevarume ava vasingatendi?

9. Kudzidziswa kwevarume vechiKristu kungaguma nei?

9 Kuvadzidzisa Kuti Vazoita Mabasa Mune Ramangwana: Varume vanobvuma shoko roUmambo voshandira kuti vawane ropafadzo mubasa raJehovha vangazova vamwe ve“zvipo zviri varume,” vakuru vechiKristu vanoshandisa mano avo uye simba kubatsira ungano dzevanhu vaJehovha. (VaEf. 4:8; Pis. 68:18) Varume vakadaro vanofudza ungano vachizvidira uye nechido. (1 Pet. 5:2, 3) Zvechokwadi, ivo vanova chikomborero chaicho kusangano rose rehama!

10. Kuvavarira kwaAnaniyasi kubatsira Pauro kwakabatsira sei vazhinji?

10 Somuenzaniso, Sauro akava “muapostora kune mamwe marudzi,” kunyange zvazvo aimbotambudza vaKristu. (VaR. 11:13) Mudzidzi anonzi Ananiyasi pakutanga aisada kuparidzira Sauro pamusana peizvi. Asi, Ananiyasi akaita zvaakarayirwa naShe akataura nomurume wacho uyo akazova muapostora Pauro. Kwemakore akawanda, ushumiri hwaPauro hwakabatsira vanhu vane zviuru vakamunzwa achiparidza pamwe nevamwe vane mamiriyoni vachiri kubatsirwa netsamba dzake dzakafuridzirwa dzakanyorwa muShoko raMwari.—Mab. 9:3-19; 2 Tim. 3:16, 17.

11. Nei tichifanira kugadzirisa chero zvinofanira kugadziriswa kuti tipupurire varume?

11 Saka ngatigadzirisei chero zvinofanira kugadziriswa kuti titsunge kupupurira varume. Sezvatinovavarira chinangwa ichi, tinovimbiswa kuti Jehovha achakomborera kubishaira kwatinoita kuti tiite zvaanoda uye kuti titarisire zvakanaka zvinhu zvine chokuita noUmambo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe