Purogiramu Yevhiki yaNovember 29
VHIKI INOTANGA NANOVEMBER 29
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cf-CA chits. 14 ¶1-9
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 6-9
Nha. 1: 2 Makoronike 6:12-21
Nha. 2: Nei Zvapupu zvaJehovha Zvichitambudzwa? (rs-CA p. 420 ¶2-3)
Nha. 3: ‘Kuramba Tichikunda Zvakaipa Nezvakanaka’ Kwatingaita (VaR. 12:21)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: “Vashumiri Vanoshingaira Vanofanira Kufungisisa Nekunyengetera.” Mibvunzo nemhinduro. Kumbirai vateereri kuti vataure kuti vanofungisisa nguva dzipi.
10 min: ‘Regai Tipe Chinopiwa chaJehovha.’ Hurukuro inopiwa nomukuru muungano inobva muNharireyomurindi yaNovember 15, 2010, mapeji 20-21.
10 min: Gadzirira Kugovera Magazini Muna December. Kukurukurirana. Taurai kweminiti imwe kana maviri zviri mumagazini acho. Madaro, sarudzai nyaya mbiri kana nhatu uye kumbirai vateereri kuti vataure mibvunzo nemagwaro zvingashandiswa mumharidzo. Enzanisirai kugoverwa kungaitwa magazini imwe neimwe.