Purogiramu Yevhiki yaOctober 25
VHIKI INOTANGA NAOCTOBER 25
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cf-CA chits. 12 ¶8-14
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 12-15
Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
□ Musangano Webasa:
8 min: Zviziviso. “Kana Muchida Mabhuku Emitauro Yokune Dzimwe Nyika Zvechimbichimbi.” Hurukuro.
12 min: Kubatana Kwedu Munyika Dzose Kunokudza Jehovha. Hurukuro inobva mubhuku raTakarongwa, peji 165, ndima 2, kusvika pakamusoro kari papeji 168. Itai kuti vamwe vari muvateereri vataure zvakaitika zvakabudiswa mumabhuku edu zvinoratidza kuti kubatana kwedu uye rudo rwedu zvakaguma sei nokupupurira vamwe.
15 min: Iva Munhu Anozvipira. (Ruka 9:23) Kukurukurirana mashoko ari muBhuku Regore ra2010 reChirungu, peji 45, ndima 1; peji 56, ndima 2; uye peji 58, ndima 1, kusvika kupeji 59 ndima 1. Makurukura chimwe nechimwe chezvakaitika, kumbirai vateereri kuti vataure zvidzidzo zvavanenge vawana.