Bhurocha Idzva Richagoverwa!
1. Tichagoverei muna November, uye chinangwa chebhurocha iri ndechei?
1 Pagungano redu reRuwa ra2009 raiti “Rambai Makarinda!” pakabudiswa bhurocha idzva rine musoro unoti Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei? Muna November ungano dzose pasi rose dzicharigovera kekutanga. Bhurocha iri richabatsira sei vanhu vomundima yedu? Vanhu vakawanda, kunyanya vaya vezvitendero zvisiri zvechiKristu havana zvakawanda zvavanoziva nezveBhaibheri. Saka papeji 3, bhurocha iri rinotsanangura kuti chinangwa charo ndechokupa “pfupiso yezviri muBhaibheri.”
2. Tingagovera sei bhurocha iri?
2 Kurigovera Kwatingaita: Tingati: “Munofungei nezvinotaurwa apa? [Verenga 2 Timoti 3:16.] Vakawanda vatinotaura navo vanobvumirana nemashoko aya; vamwe vanofunga kuti Bhaibheri rinongovawo zvaro bhuku rakanaka. Munofungeiwo nezveBhaibheri? [Murege apindure.] Pane zvazvakanakira kuti isu pachedu tiongorore zviri muBhaibheri pasinei nokuti tinotendei. [Verenga ndima yokutanga iri panotangira peji 3.] Pamunoverenga pfupiso iyi yeBhaibheri inobaya mwoyo iri mubhurocha racho, muchaona pfungwa inonakidza yokuti: Bhaibheri rose rinonyanya kutaura nezvechinhu chimwe chete.”
3. Ndeipi imwe mharidzo yatingashandisa, kunyanya munzvimbo ine vanhu vakawanda vasiri vechitendero chechiKristu?
3 Kana tichinyanya kuparidzira munzvimbo ine vanhu vakawanda vasiri vechitendero chechiKristu, zvimwe zvatingataura ndeizvi: “Munofungei nezvinotaurwa neMagwaro (kana kuti nebhuku rino dzvene) pandima iyi? [Verenga Pisarema 37:11.] Munofunga kuti nyika inenge yaita sei pachazadzika uprofita uhwu? [Murege apindure.] Tariro iyi uye kunyaradzwa ndezvimwe zvezvinhu izvo vanhu vemadzinza ose uye vezvitendero zvose vanogona kuwana kubva muBhaibheri.” Verenga ndima yokutanga iri panotangira peji 3 uye govera bhurocha racho.
4. Tingashandisa sei bhurocha iri kutanga chidzidzo cheBhaibheri?
4 Tanga Chidzidzo cheBhaibheri: Patinodzokerazve, tinogona kuyeuchidza saimba nezvezvatakakurukura, tombotaura nezvendima imwe kana mbiri panyaya yacho, tichishandisa mibvunzo iri panoperera chikamu chatakasarudza. Kana kuti, kana tichida kubva tatanga kudzidza naye bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? tingaverenga naye peji yokupedzisira yebhurocha, tomutambidza bhuku racho, tomubvunza kuti afarira misoro ipi uye tokurukura ndima imwe kana mbiri kubva muchitsauko chacho. Tose zvedu ngatishandei nesimba kugovera bhurocha iri muna November!