Tevedzera Jehovha Kupfurikidza Nokuitira Vamwe Hanya Zvepachokwadi
1 Jehovha muenzaniso mukurusa wouyo anoratidzira kuitira hanya vamwe zvepachokwadi. SaChangamire Wechisiko Chose, anotapurwa nezvinodikanwa zvechisiko chake chomunhu. (1 Pet. 5:7) Jesu akakurudzira vateveri vake kuratidzira mavara aBaba vake, avo vanobudisira zuva nokunayisira mvura vanhu vakarurama nevasina kururama. (Mat. 5:45) Unogona kutevedzera Jehovha kupfurikidza nokuratidza kuitira vamwe hanya zvepachokwadi—uchiva akagadzirira kugoverana shoko roUmambo nomunhu ari wose waunosangana naye. Kupfurikidza nokuva akasanorovedzana nemabhurocha achashandiswa muushumiri mukati maJuly, uchava munzvimbo yakanaka yokugovera rubatsiro rwomudzimu kuvamwe. Zvikarakadzo zvinotevera zvinogovera mimwe mifungo pamusoro penzira yaungagadzirira nayo shanyo yokutanga uye ipapo kutevera fariro neshanyo dzedzokerero dzakakodzera nguva.
2 Pakugovera bhurocha ra“Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva” ungagona kuti:
◼ “Mati mamboshamisika here chikonzero nei Mwari achibvumira vanhu kutambura kana achivaitira hanya chaizvoizvo? [Bvumira mhinduro.] Bhurocha rino harigoveri bedzi mhinduro inogutsa youyu mubvunzo asi rinoratidzawo kuti Mwari akapikira kubvisa kuvadziko yose iyo munhu akaunza paari amene nemusha wake wapasi.” Rava ndima 33 iri papeji 17. Ratidza mufananidzo uri pedyo nayo, uye rava Pisarema 146:4 kubva mundima 32. Govera bhurocha racho. Kana rikagamuchirwa, bvunza mubvunzo unogona kupindurwa pashanyo inotevera, wakadai sewokuti: “Mungada kuziva here kuti Mwari achaita sei chinangwa chake chokuunza zvikomborero kurudzi rwomunhu uye kushandura pasi kuti rive paradhiso?”
3 Pakudzokera kuavo vawakagovera bhurocha ra“Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva” ungaita kuti imwe kurukurirano itange neiyi nzira:
◼ “Apo ndakashanya nguva yakapfuura, takarangarira kuti Mwari zvirokwazvo anotiitira hanya uye kuti chinangwa chake chokubvisa kuvadziko yose iyo munhu akaunza paari amene nemusha wake wapasi.” Tendeukira kumufananidzo uri pabutiro rebhurocha racho ndokuti: “Takagumisa kurukurirano yedu nomubvunzo wokuti, Mwari achaita sei chinangwa chake chokuunza zvikomborero kurudzi rwomunhu nokushandura pasi kuti rive paradhiso? Munofungei?” Bvumira mhinduro. Tendeukira kupeji 3, uye rava ndima 2 naIsaya 65:25. Pashure pacho, rava ndima 3 papeji 4. Bvunza saimba kana angada kurangarira newe rutivi runotevera rwebhurocha racho. Kana angada, rufunde naye.
4 Hekuno kusvika kungashandiswa mukugovera bhurocha ra“Hurumende Ichaunza Paradhiso.” Ratidza butiro raro ndokuti:
◼ “Nhasi tiri kugoverana iri bhurocha iro rakaunzira nyaradzo netariro mamiriyoni avanhu avo vakafirwa navadiwa vavo. Mati mamboshamisika here kuti itariroi iriko nokuda kwavakafa? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rinotaura nenzira yakajeka chipikirwa chaMwari chorumuko.” Rava Johane 5:28, 29. Zarura bhurocha racho ndokutsinhira pamusoro pemapfundo anobudiswa papeji 29. Ratidza mifananidzo iripo. Govera bhurocha racho. Unogona kugadzira nzira yeshanyo yedzokerero kupfurikidza nokubvunza kuti, “Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti pakupedzisira rufu ruchabviswa chose chose?”
5 Uko wakagovera bhurocha ra“Hurumende Ichaunza Paradhiso,” ungada kushandisa iyi mharidzo pashanyo yedzokerero:
◼ “Apo takataura nguva yapfuura, takakurukura tariro inoshamisa yorumuko. Bhurocha randakakusiyirai rinotsanangura chikonzero nei tichigona kuva nechokwadi chokuti pakupedzisira rufu ruchabviswa chose chose. Hamuna kuwana zvipikirwa zvaMwari kuva zvinonyaradza nezvinokurudzira here?” Bvumira mhinduro. Ipapo tendeukira kupeji 31 mubhurocha racho ndokurava ndima yacho, pamwe chete naZvakazarurwa 21:1-4. Simbisai kariro yatinayo yokufarikanya upenyu pasina kuzombofa. Kuchitsamira pafariro inoratidzwa nemamiriro ezvinhu panhambo yacho, ungakarakadza fundo yeBhaibheri mubhuku raZivo kana kuti kubvunza mumwe mubvunzo kuti uzarure nzira nokuda kweshanyo yedzokerero inotevera.
6 Ungataura zvinotevera apo unenge uchigovera bhurocha ra“Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here kana kuti Kukukuvadza?”:
◼ “Vanhu vakawanda vakashamisika kuti chii chiri chinangwa choupenyu. Vakazvibvunza vamene, kuti: ‘Neiko ndiri pano? Ndiri kuenda kupi? Chii icho nguva yemberi yakandichengetera?’ Munofunga kuti ndokupi kwatinogona kuwana mhinduro dzacho? [Bvumira mhinduro.] Cherekedzai izvo Bhaibheri rinotaura. [Rava Pisarema 36:9.] Hakuna mufungo here kugumisa kuti Musiki womunhu anokwanisa zvikurusa kutsanangura chikonzero nei tiri pano? [Bvumira mhinduro.] Bhurocha rino hariratidzi bedzi mugariro wevakafa asiwo chinangwa chakaisvonaka icho Mwari akatichengetera.” Tendeukira kumapeji 28-9, rava mashoko anotsanangura mufananidzo, uye tsinhira pamusoro pomufananidzo uri papeji 29; ipapo govera bhurocha racho. Kana rikagamuchirwa, bvunza, kuti: “Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti chichiri chinangwa chaMwari kuti vanhu vararame nokusingaperi muParadhiso pasi pano?” Ronga nguva yokudzoka.
7 Kana bhurocha ra“Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?” rikagoverwa, ungagona kutaura chimwe chinhu chakafanana neichi apo unodzokera:
◼ “Pashanyo yangu yakapfuura, ndakafarikanya chaizvoizvo kukurukura nemi murangariro weBhaibheri wokuti upenyu hwavanhu hune chinangwa chaizvoizvo.” Ratidza mufananidzo uri papeji 30 ndokubvunza kuti, “Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti kuchiri kuda kwaMwari kuti vanhu vanofanira kurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano?” Rava ndima 1 iri papeji 28. Kurukurai mapfundo ari pasi pomusoro muduku unoti, “Shandisa Kunamata Kwechokwadi,” uri papeji 25. Karakadza fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena. Suma bhuku raZivo, uye karakadza kuenzanisira kuti tinorishandisa sei seyamuro yokufunda Bhaibheri.
8 Ushumiri hwedu hunofanira kuratidzira kufarira zvepachokwadi kwatinako mukubatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuti “vasvike pakuziva zvokwadi.” (1 Tim. 2:4) Naizvozvo, wana nguva murudungwe rwako rwebasa yokudzokerera munhu mumwe nomumwe wawakagovera bhurocha. Kuratidzira kwako kuvaitira hanya chaikoiko kungaguma nokubetsera avo vanorira nokugomera pamusoro pezvinhu zvinonyangadza zvinoitwa murudzidziso rwenhema kuti vaiswe chiratidzo nokuda kwokupukunyuka. (Ezek. 9:4, 6) Uchawanawo mufaro negutsikano zvinobva mukuziva kuti uri kutevedzera Jehovha kupfurikidza nokuitira vamwe hanya zvepachokwadi.—Enzanisa naVaFiripi 2:20.