Purogiramu Yevhiki yaAugust 30
VHIKI INOTANGA NAAUGUST 30
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cf-CA chits. 9 ¶17-21, bhokisi riri pap. 96
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 2 Madzimambo 9-11
Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: “Wakamboshandisa Peji Yokupedzisira Here?” Kukurukurirana nevateereri. Muchishandisa mazano aripo, ratidzai kuti Nharireyomurindi yaSeptember 1 ingagoverwa sei. Zvadaro sarudzai nyaya imwe chete kana kuti mbiri dziri muAwake! yaSeptember, uye kumbirai vateereri kuti vataure mibvunzo nemagwaro zvinogona kushandiswa pakupa mharidzo. Enzanisirai kuti Awake! ingagoverwa sei.
20 min: “Unogona Kuparidza Zvisina Kurongwa!”—Chikamu 2. Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro kubva pandima 9-13 uye bhokisi riri papeji 6.