Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari choUshumiri vhiki inotanga naAugust 30, 2010. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 20 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJuly 5 kusvika kuvhiki yaAugust 30, 2010.
1. Kufungisisa nezvemunyengetero waSoromoni wokutsaurira kungatibatsira sei kuti tiwedzere kukoshesa kwatinoita unhu hwaJehovha? (1 Madz. 8:22-53) [w05-CA 7/1 p. 30 ndima 3]
2. Pasinei nezvikanganiso zvake zvakawanda, nei zvinganzi Dhavhidhi akafamba naJehovha “nomwoyo wakakwana”? (1 Madz. 9:4) [w97-CA 5/1 p. 5 ndima 1-2]
3. Nei mambokadzi weShebha akati nezvaSoromoni: “Vanofara vashandi venyu ava vanomira pamberi penyu nguva dzose, vachiteerera uchenjeri hwenyu!”? (1 Madz. 10:4-8) [w99-CA 11/1 p. 20 ndima 5-7]
4. Tingatii nokurayira kwakaita Jehovha kuti Abhija avigwe zvakanaka? (1 Madz. 14:13) [cl-CA p. 244 ndima 11]
5. Chii chaikosha kana totaura nezvenguva yakashanyirwa Ahabi naEriya kekutanga? (1 Madz. 17:1) [w08-CA 4/1 p. 19, bhokisi]
6. Eriya airevei nemashoko okuti ‘kuva nemwoyo miviri’? (1 Madz. 18:21) [w08-CA 1/1 p. 19 ndima 3-4]
7. Sezvinoratidzwa pane zvakaitika kuna Eriya, Jehovha anoshandisa simba rake kuvashumiri vake nechinangwa chei? (1 Madz. 19:1-12) [cl-CA map. 42-43 ndima 15-16]
8. Nei Nabhoti akaramba kutengesera Ahabhi munda wake wemizambiringa, uye tinodzidzei pachiitiko ichi? (1 Madz. 21:3) [w97-CA 8/1 p. 13 ndima 18-20]
9. Mukadzi wokuShunemi anganzi “akazvinetsa kwazvo” nokuda kwaErisha pakudii? (2 Madz. 4:13) [w97-CA 10/1 p. 30 ndima 6-8]
10. Nei Erisha asina kugamuchira chipo chaNaamani? (2 Madz. 5:15, 16) [w05-CA 8/1 p. 9 ndima 2]