RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/10 pp. 3-6
  • Unogona Kuparidza Zvisina Kurongwa!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kuparidza Zvisina Kurongwa!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Taura Pamsoro Pembiri Youmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Wagadzirira Here Kupupurira Zvisina Kurongwa?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Rumbidza Jehovha Nokupupurira Zvisina Kurongwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Tiri Zvapupu Nguva Dzose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 8/10 pp. 3-6

Unogona Kuparidza Zvisina Kurongwa!

1. (a) Kuparidza zvisina kurongwa kuita sei? (b) Vangani vari pamusangano uno vakatanga kunzwa chokwadi vaparidzirwa zvisina kurongwa?

1 Vangani vari muungano menyu vakawana chokwadi vaparidzirwa zvisina kurongwa? Unogona kutoshamiswa nemhinduro yacho. Kuparidza zvisina kurongwa kunosanganisira kutaura mashoko akanaka kuvanhu vatinosangana navo patinenge tichiita zvimwe zvinhu mazuva ose zvakadai sekuva parwendo, kushanyira hama nevavakidzani, kana kuti kuenda kuzvitoro, kuchikoro, kumabasa, nedzimwewo nzvimbo. Pane rimwe boka reZvapupu zvakabhabhatidzwa zvinopfuura 200, vanhu 40 pazana roga roga vakatanga kukurukurwa navo nokuparidzirwa zvisina kurongwa! Saka nzira iyi yokuparidzira inoshanda chaizvo.

2. Mienzaniso ipi yatinowana muMagwaro yevanhu vaiparidza zvisina kurongwa?

2 Vaevhangeri vomuzana remakore rokutanga vaiwanzoparidza zvisina kurongwa. Somuenzaniso, Jesu paaifamba muSamariya, akaparidzira mumwe mukadzi aichera mvura patsime raJakobho. (Joh. 4:6-26) Firipi akatanga kukurukura nomumwe mukuru mukuru wokuItiopiya akanga achiverenga bhuku raIsaya paakamubvunza kuti: “Unonyatsoziva zvauri kuverenga here?” (Mab. 8:26-38) Paakanga akasungwa ari kuFiripi, muapostora Pauro akapupurira murindi wejeri. (Mab. 16:23-34) Pauro paakanga asungwa uye asingabvumirwi kubva pamba, ‘aigamuchira vose vaiuya kwaari nomutsa, achivaparidzira umambo hwaMwari uye achivadzidzisa zvinhu zvine chokuita naShe Jesu Kristu.’ (Mab. 28:30, 31) Newewo unogona kupupurira zvisina kurongwa kunyange uchinyara. Ungazviita sei?

3. Tingaitei kuti tisanyara kutaura?

3 Matangiro: Vakawanda vedu tinoomerwa nokutanga kukurukura nevanhu vatisingazivi. Kutaura zvine chokuita neBhaibheri kune vamwe vatinoziva kungaita sekusingaiti. Zvisinei, kana tikafungisisa nezvekunaka kwaJehovha, chokwadi chinokosha chaakapa vashumiri vake, uye kunzwisa tsitsi kunoita vanhu vari munyika, zvichaita kuti tide kuparidza. (Jona 4:11; Pis. 40:5; Mat. 13:52) Uyezve, tinogona kukumbira Jehovha kuti atibatsire ‘kuva noushingi.’ (1 VaT. 2:2) Mumwe akapedza kudzidza kuchikoro cheGiriyedhi akati: “Kakawanda ndinoona kuti munyengetero unondibatsira pandinenge ndava kuomerwa nokutaura nevanhu.” Kana uchizeza kutaura, ita munyengetero mupfupi nechomumwoyo.—Neh. 2:4.

4. Zvii zvatingavavarira kuita pakutanga uye nei?

4 Sezvinongorevawo mashoko acho, kuparidza zvisina kurongwa hakurevi kuti mharidzo yedu inofanira kutanga nokuzvisuma kana kuti norugwaro. Chimwe chinogona kutibatsira ndechokuva nechinangwa chokungotanga kukurukura tisina pfungwa yokuti tava kutoparidza. Vaparidzi vakawanda vanoti kuita izvi kunoita kuti vave nechivimbo kana vava kuzotanga kutaura nezvemashoko akanaka. Kana munhu wacho asingadi zvokutaura, usamumanikidza. Nenzira younyoro gumisa zvauri kutaura wobva waenda zvako.

5. Imwe hanzvadzi inonyara inobatsirwa nei kuti igone kuparidza zvisina kurongwa?

5 Imwe hanzvadzi inonyara painoenda kumusika ichitenga zvainoda, kana ikasangana nomumwe munhu inotanga yatarisana nomunhu wacho yobva yanyemwerera kuratidza ushamwari. Kana munhu wacho akangonyemwererawo inobva yataura naye zvishoma. Kana akaratidza kufarira, zvinomupa chivimbo chokuti arambe achitaura. Hanzvadzi iyi inobva yanyatsopa nzeve kuti iedze kuona kuti chii chaingataura chingafadza munhu wacho. Ichishandisa nzira iyi, hanzvadzi iyi yakagovera mabhuku akawanda uye yakatosvika pakutanga kudzidza nevanhu Bhaibheri.

6. Tingatanga sei kukurukura patinenge tichiparidza zvisina kurongwa?

6 Kutanga Kukurukura: Kuti titange kukurukura tingatanga nokuti kudini? Jesu paakakurukura nomukadzi uya patsime, akatanga nokukumbira mvura yokunwa. (Joh. 4:7) Saka tinogona kutanga kukurukura nomunhu nokumukwazisa zvine ushamwari kana kungomubvunzawo mubvunzo. Pamunenge muchitaura unogona kuwana mukana wokupinza pfungwa inotaurwa muBhaibheri, zvimwe wobva wadyara mbeu yechokwadi. (Mup. 11:6) Vamwe vakabudirira chaizvo nokutaura mamwe mashoko anoita kuti munhu ave neshungu yokuda kuramba achinzwa uye zvinoita kuti vabvunze mibvunzo. Somuenzaniso, paunenge wakamirira kuona chiremba, unogona kutanga nyaya nokutaura kuti: “Ndichafara chaizvo pandinenge ndisingacharwarizve.”

7. Kucherechedza zvinhu zvinenge zviripo kunotibatsira sei kuti tipupurire zvisina kurongwa?

7 Kucherechedza zvinhu zviripo kuchatibatsirawo kutanga kukurukura. Kana tikaona mubereki ane vana vanoteerera, tinogona kumurumbidza, tomubvunza kuti, “Munozviita sei kuti vana venyu vateerere?” Imwe hanzvadzi inoteerera dzimwe nyaya dzinotaurwa nevamwe kubasa kwayo yozokurukura navo dzimwe dzenyaya dzacho dzavanofarira. Paakaziva kuti mumwe mukadzi waanoshanda naye aironga kuzoroorwa, akamupa Mukai! inotaura nezvekuti ungaronga sei muchato. Zvakabva zvaita kuti vatange kukurukura nezveBhaibheri.

8. Tingashandisa sei mabhuku edu kuti titange kukurukura?

8 Imwe nzira yokuti titange nayo kukurukura ndeyokuverenga mabhuku edu vamwe vachizviona. Imwe hama inotora Nharireyomurindi kana kuti Mukai! yovhura nyaya inenge ine musoro unonakidza yotanga zvayo kuverenga chinyararire. Kana akaona mumwe anenge achidongorera magazini yake, anobva abvunza mubvunzo kana kuti kungotaura zvishoma zviri munyaya yacho. Kazhinji izvi zvinoita kuti atange kukurukura uye kuparidza. Kungosiya rimwe remabhuku edu panooneka kunogona kuita kuti vatinoshanda navo kana kuti vatinodzidza navo vave neshungu dzokuda kuaona zvoita kuti vabvunze mibvunzo.

9, 10. (a) Tingazviita sei kuti tiwane mikana yokuparidza zvisina kurongwa? (b) Zvii zvawave uchiita kuti ugone kuita izvi.

9 Kuita Kuti Pave Nemikana: Tichifunga nezvekuti basa redu rokuparidza nderokukurumidzira, hatifaniri kuona sokuti kuparidza kusina kurongwa kunofanira kuitwa patinenge tangokwanisawo. Asi tinofanira kutsvaka mikana yokupupura patinoita mabasa edu ezuva nezuva. Fungidzira kuti vanhu vakaita sei vauchasangana navo uye kuti ungatanga sei kukurukura navo zvine ushamwari. Gara uine Bhaibheri rako nemabhuku aungazopa vaya vanoratidza kufarira.—1 Pet. 3:15.

10 Vaparidzi vakawanda vakaona kuti zvimwe zvinhu zvavanoita zvinoita kuti vawane mikana yokuparidza zvisina kurongwa. Imwe hanzvadzi ine imba iri munzvimbo yakachengetedzwa inoshandisa nzvimbo iripo yokutandarira kutamba kamwe kamutambo kanoita kuti agume aumba mifananidzo yezvinhu zvinoyevedza zvakasikwa. Vanhu pavanomira vachitarisa kunaka kwazvakaita, anobva ashandisa mukana wacho kutanga kukurukura navo uye kuvaudza nezvezvinovimbiswa neBhaibheri ‘zvedenga idzva nenyika itsva.’ (Zvak. 21:1-4) Pane zvaungafunga kuti ungaita here kuti uve nemukana wokuparidza zvisina kurongwa?

11. Zvii zvatingaita kana tikaona munhu anofarira patinenge tichiparidza zvisina kurongwa?

11 Kudzokera Kune Vanenge Vafarira: Kana ukaona vanhu vanenge vafarira edza kudzokerazve kwavari. Kana zvakakodzera, unogona kuudza munhu wacho kuti: “Ndanakidzwa chaizvo nokutaura nemi. Tingazoonana kupi kuti titaurezve?” Vamwe vaparidzi ndivo vanotopa kero yekwavanogara nenhamba dzavo dzorunhare kumunhu wacho voti: “Ndanakidzwa nezvatanga tichitaura. Kana mune zvimwe zvamunoda kunzwa nezvezvatanga tichitaura, shandisai nhamba dzandakupai.” Kana usingakwanisi kudzokera kunoona munhu wacho, kurumidza kuzadza fomu rinonzi Tapota Muonei (S-43) woripa munyori womuungano yenyu, porongwa kuti ungano yakakodzera iende kunomuona.

12. (a) Sei tichifanira kunyora uye kushuma nguva yatinopedza tichiparidza zvisina kurongwa? (b) Zvii zvakaitika kubva pakuparidza zvisina kurongwa? (Ona bhokisi rakanzi “Kuparidza Zvisina Kurongwa Kwakava Nomugumisiro Wakanaka!”)

12 Nguva yatinoparidza zvisina kurongwa inofanira kushumwa. Saka iva nechokwadi chokuti wainyora, chero akava maminitsi mashomanana pazuva. Chimbofunga izvi: Kana muparidzi wose akaparidza zvisina kurongwa kwemaminitsi mashanu zuva roga roga, nguva yacho painozobatanidzwa panobuda miriyoni 17 emaawa mwedzi woga woga!

13. Chii chinoita kuti tide kuparidza zvisina kurongwa?

13 Kuda Mwari nevavakidzani vedu ndiko kunoita kuti tiparidze zvisina kurongwa. (Mat. 22:37-39) Kuonga nemwoyo wose unhu hwaJehovha uye zvinangwa zvake kunoita kuti titaure ‘nezvokukudzwa kwokubwinya kwoumambo hwake.’ (Pis. 145:7, 10-12) Kunyatsova nehanya nevavakidzani vedu kunoita kuti tishandise mukana wose kukurukura mashoko akanaka nguva ichiripo. (VaR. 10:13, 14) Kunyange tisina hedu kunyanya kugadzirira, tose tinokwanisa kuparidza zvisina kurongwa uye tinogona kuwana mufaro nokuita kuti mumwe munhu anonyatsoda azive chokwadi.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Kuva nechinangwa chokuti utaure nevanhu paunosangana navo, kunogona kukubatsirawo

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Vaparidzi vakawanda vakaona kuti zvimwe zvinhu zvavanoita zvinoita kuti vawane mikana yokuparidza zvisina kurongwa

[Bhokisi riri papeji 5]

Mazano Anobatsira Pakutanga Kukurukura

◼ Nyengetera kuti ubatsirwe kutanga

◼ Sarudza vaya vane ushamwari uye vasiri kumhanya-mhanya

◼ Dzidzirawo kutarisana nomunhu wacho, nyemwerera uye murumbidze pane zvamuri kuwirirana

◼ Nyatsoteerera

[Bhokisi riri papeji 6]

Kuparidza Zvisina Kurongwa Kwakava Nomugumisiro Wakanaka!

• Imwe hama payaiva pagaraji yakamirira kuti motokari yayo igadzirwe, yakaparidzira kune vanhu vaivapo ikavapa mahendibhiri aivakokera kuzonzwa hurukuro yavose. Pane rimwe gungano patopera gore, imwe hama yaakanga asingazivi yakamukwazisa ichifara. Aiva mumwe wevarume vaakapa hendibhiri vari pagaraji gore rakanga rapfuura! Murume wacho akanga aenda kunonzwa hurukuro yavose iya, akakumbira kuti adzidziswe Bhaibheri. Iye nomudzimai wake vakanga vabhabhatidzwa.

• Imwe hanzvadzi yakadzidza chokwadi nokuparidzirwa zvisina kurongwa inoti ndima yake vanhu vaanosangana navo vanozivana nevana vake. Ndima yake inosanganisira vavakidzani vake uye vabereki vaanoonana navo kuchikoro uye panenge pachiitwa misangano yevabereki. Paanozvisuma anotaura mashoko mashoma asi anobva pamwoyo okuti Bhaibheri rinomubatsira chaizvo kurera vana vake zvakanaka, zvadaro ozotaura zvake imwe nyaya. Nemhaka yokuti anenge awana pokutangira, zvinobva zvamuitira nyore kutaura nyaya dziri muBhaibheri. Achishandisa nzira iyi, abatsira vanhu 12 kuti vabhabhatidzwe.

• Imwe hanzvadzi payakashanyirwa nomumwe murume anoita zveinishuwarenzi, yakabva yashandisa mukana wacho kutoparidza. Akabvunza murume uyu kana aizoda kuva neutano hwakanaka, kufara, uye upenyu husingaperi. Murume uya akapindura kuti aida uye akabvunza hanzvadzi yacho kuti yaitaura nezveinishuwarenzi yorudzii. Hanzvadzi iyi yakamuratidza zvinovimbiswa neBhaibheri, ikamupa rimwe remabhuku edu, murume wacho akariverenga rose husiku humwe. Vakaronga kuti adzidze Bhaibheri. Akatanga kupinda misangano uye akazobhabhatidzwa.

• Imwe hanzvadzi yaive parwendo mundege yakatanga kutaura nemumwe mukadzi aiva akagara parutivi payo uye yakakwanisa kumuparidzira. Vave kutosvika kwavaienda, hanzvadzi iyi yakapa mukadzi wacho kero yayo nenhamba dzerunhare uye yakamukurudzira kuti akumbire kudzidza Bhaibheri paaizoshanyirwa neZvapupu zvaJehovha. Mangwana acho, Zvapupu zviviri zvakagogodza pasuo romukadzi wacho. Akatanga kudzidza Bhaibheri akafambira mberi nokukurumidza, akabhabhatidzwa, uye munguva pfupi akanga ava kutodzidza Bhaibheri nevanhu vatatu.

• Imwe hama isingaoni ine makore 100 inogara mumusha unochengetwa vanhu vakura inowanzoti: “Tinoda Umambo.” Izvi zvakaita kuti vanachiremba nevamwe varwere vabvunze mibvunzo yakawanda uye zvakaita kuti hama iyi itsanangure chinonzi Umambo. Mumwe mukadzi anoshandapo akabvunza sekuru ava kuti chii chavachazoita muParadhiso. Vakapindura kuti, “Ndichaona, ndofamba zvekare, ndopisa wiricheya yangu. Zvavasingaoni, vanomukumbira kuti avaverengere magazini acho. Mwanasikana wasekuru ava paakauya kuzoona baba vake, mukadzi uya anoshandapo akakumbira mwanasikana uyu kana zvingaita kuti aende nemagazini acho kumba. Mumwe mukoti akaudza mwanasikana uyu kuti, “Tose tose pano tava kungoti: ‘Tinoda Umambo.’”

• Imwe hanzvadzi payakanga imire muraini paresitorendi yakanzwa rimwe boka revarume vakwegura vaiva vakagara nechepedyo vachitaura nyaya dzezvematongerwo enyika. Mumwe murume akati hurumende haifi yakagona kupedza matambudziko edu. Hanzvadzi iyi yakati nechomumwoyo, ‘Ndomukana wanguwo uyu.’ Akabva aita munyengetero mupfupi akabva aenda kwavari. Pashure pokunge azvisuma, akavaudza nezveUmambo hwaMwari, hurumende ichagadzirisa matambudziko evanhu, akabva avapa bhurocha raakanga anaro. Maneja wacho akabva angosvika. Hanzvadzi iyi yakafunga kuti aizomudzinga. Asi akatobva audza hanzvadzi iyi kuti naiyewo akanga ari kuteerera uye anodawo bhurocha racho. Mumwe mushandi wepo akanga achiteerera akasvika misodzi iri pamatama. Akanga ambodzidza Bhaibheri kare uye akanga achida kuti aenderere mberi nokudzidza.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe