RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/10 pp. 5-6
  • Kutsigira Zvinotaurwa neMagwaro Nezvemariro—Chikamu 2

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsigira Zvinotaurwa neMagwaro Nezvemariro—Chikamu 2
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Misoro Midiki
  • Sori
  • Kuronga Mariro
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 1/10 pp. 5-6

Kutsigira Zvinotaurwa neMagwaro Nezvemariro—Chikamu 2

Sori

1-3. (a) Chii chinonzi sori, uye nei yakasiyana nemasaga aipfekwa nevashumiri vaMwari vanotaurwa muBhaibheri? (b) Inoshandiswawo nevanhu vokwaunogara here?

1 Kana paitika mariro, vomumhuri, hama dzepedyo, uye shamwari vangatarisirwa kuti vapfeke hembe nhema dzinonzi sori. Zvinokosha kuona kuti sori iri kutaurwa pano hadzisi hembe dzinopfekwa nguva dzose vanhu vachiita zvimwe zvinhu zvakasiyana-siyana asi dzichigonawo kupfekwa vanhu vachienda kumariro. Sori inongopfekwa chete kana munhu afirwa. Dzimwe nguva inogona kuva tambo nhema inosungirirwa muruoko kana kuti mumusoro.

2 Vamwe vakafunga kuti kupfekwa kwaiitwa masaga munguva inotaurwa muBhaibheri kwakafanana nekupfekwa kunoitwa sori mazuva ano. Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti dzimwe nguva masaga aisonwa kuitwa hembe opfekwa nevaya vakanga vafirwa, aishandisirwawo zvimwe zvinangwa zvakawanda kunze kwokunge munhu afirwa. Munguva inotaurwa muBhaibheri, vafudzi vaishandisa masaga kugadzira zvipfeko nokuti akanga akachipa uye akasimba. Vamwe vaipfeka masaga kuratidza kupfidza. (1 Madz. 21:27; Jona 3:6-8) Dhanieri akapfeka masaga paakanyengetera nemwoyo wose kuna Jehovha. (Dhan. 9:3) Pano neapo, vaprofita vechiHebheru vaipfeka masaga pavaizivisa mashoko okunyevera avaitumwa nawo. (Isa. 20:2) Pakushandiswa kwose kwakasiyana-siyana kwaiitwa masaga, vanhu vaMwari vakanga vasingaapfeki zvine chokuita nokutenda mashura nezvevakafa. Izvi ndizvo zvinoitwa here pakushandiswa kunoitwa sori mazuva ano?

3 Sori inopfekwa kuti munhu aonekwe kuti ari kurwadziwa. Ingapfekwa kwezuva rimwe chete, mazuva mashomanana, mwedzi yakawanda kana kuti kunyange gore kana kupfuura pashure pemariro, zvichibva pakuti munhu anenge achiipfeka aiva noukama hwakadini nomushakabvu.

4-6. Ipfungwa dzipi dzomuBhaibheri dzinoratidza kana muKristu achifanira kupfeka sori kana kuti kwete?

4 Kufunga nezvepfungwa dzinokosha: Kutanga, vanhu vaJehovha havachemi mufi zvokuda kushamisira kana kuda kuonekwa kuti vafirwa sezvinomboitwa nevanhu “vasina tariro.” (1 VaT. 4:13) Chechipiri, hatingadi kuita chimwe chinhu ‘chingagumbura’ vamwe. (2 VaK. 6:3) Nezvepfungwa iyi inokosha tingazvibvunza kuti: ‘Kupfeka sori kungaratidza vamwe kuti ndava kutevera dzidziso netsika dzinopesana nemagwaro here? Kungagumbura here vaya vanoziva zvinodavirwa uye zvinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha pamusoro pevakafa? Kuipfeka kungakanganisa hana dzevandinonamata navo here? Kungaodza mwoyo hama dzedu dzakaramba kuipfeka here?—Ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 1998, mapeji 22-23; 1998 Yearbook, peji 203, ndima 1.

5 Zvisinei, papfungwa dzose dzinofanira kufungwa nezvadzo hapana inokosha kupfuura iyi: Hatitombofaniri kuita chimwe chinhu chingagumbura Jehovha. (Zvir. 27:11; VaK. 1:9, 10) Patinoziva zvinonyatsorehwa nesori uye kubatana kwayo nedzidziso yokuti vakafa vachiri kuziva, tinofanira kunyatsofunga kuti kutevedzera tsika iyi kungakanganisa sei ukama hwedu naJehovha.—1 VaK. 10:21, 22.

6 Chokwadi, vamwe vangasaziva kuti chipfeko chakadaro chinorevei. Uyewo havakwanisi kutsanangura kuti nei vachinzwa vachifanira kuchipfeka chete kana vafirwa. Kufungisisa nezvepfungwa idzi tichiita zvokunyengetera kuchatibatsira kunzwisisa kuti nei tisingafaniri kutevedzera tsika yokupfeka chipfeko ichi chemariro kana kuti kusungirira tambo sechiratidzo chokuchema.

7. Zvipfeko zvinoremekedzeka pamariro zvakaita sei?

7 Kupfeka zvinoremekedzeka pamariro: Tingapfeka zvipfeko zvakaita sei pamariro? Kwemakore, mabhuku anobudiswa nomuranda akatendeka, akangwara ave achitaura nezvenyaya iyi.a Tave tichikurudzirwa kuratidza mafungiro akanaka uye kudzikama pakusarudza zvipfeko zvedu zvine mwero uye zvakanaka. (Mup. 7:2) Chero zvatinenge tasarudza kupfeka, kunzwisisa kwedu zvakajeka zvinoitika kana munhu afa kuchaita kuti tiratidze ruremekedzo parufu.

Kuronga Mariro

8. Mariro echiKristu akanyatsorongwa anopa sei uchapupu hwakanaka?

8 Pamariro echiKristu munhu anofanira kuvigwa zvinoremekedzeka, zviri pamutemo uye zvine utsanana. Kana mariro achizoitwa nenzira inonyaradza zvechokwadi zvichibva muMagwaro uye achinyatsobudisa pachena chokwadi pamusoro pevakafa, hapazovi nomukana wokuita tsika dzinopesana nemagwaro. (VaEf. 5:7-11) Zvinoitika pamariro hazvifaniri kukanganisa hana dzevatinonamata navo. (1 VaK. 10:32) Pfungwa idzi dzomuBhaibheri dzingashandiswa sei pakuronga mariro echiKristu?

9. Mashoko api asingafaniri kutaurwa pakupa nhoroondo yomufi?

9 Kurumbidza mufi: Mumwe angasarudza kutaura nhoroondo pfupi achiratidza kutendeka kwanga kwakaita mufi wacho. Mashoko aya anofanira kunyatsofungwa nezvawo. Somuenzaniso, voukama vasingatendi uye shamwari vangada kutaura mashoko akanyorwa okuremekedza uye okurumbidza anotaurwa zvakananga kumufi. Vangashandisa mashoko anopa pfungwa yokuti Mwari adana munhu wacho kudenga kana kuti mufi wacho ari murwendo kuenda kune imwe nzvimbo. Mashoko akadai sokuti “zororai murugare,” (kana kuti, R.I.P.) uye “fambai zvakanaka” anowanzoshandiswa. Kune vakawanda, izvi zvinganzi mashoko okupedzisira okuremekedza mufi. Zvisinei, tinoziva kuti mufi haagoni kuziva mashoko iwayo anenge akanyorwa. Chatinonyanya kuva nehanya nacho ndechokuti tinoziva kuti mashoko akadaro anotsigira zvavanodavira nezvemidzimu yemadzitateguru avo saka haafaniri kushandiswa nevaKristu vechokwadi.—Isa. 52:11.

10. Ndiani anofanira kusarudza kuti mariro echiKristu oitwa sei?

10 Ndiani anofanira kusarudza? Munzvimbo dzakawanda voukama vasingatendi vanonzwa sokuti vanhu vose vavakavakidzana navo vane kodzero yokusarudza kuti mariro anofanira kuitwa sei uye rini. Zvisinei, urongwa hwokuroorana kwechiKristu hunopa murume nomudzimai kodzero yokuita zvimwe zvisarudzo zvinokosha zvine chokuita noupenyu hwavo uye hwevana vavo. Vabereki, voukama kunyange vomuungano yechiKristu vanofanira kuremekedza kodzero iyoyo yepaMagwaro. (Mat. 19:5, 6) Izvi ndezvechokwadi kana totaura nezvokuviga vanhu vatinoda vanenge vafa. (Gen. 23:19; 35:29) Kuti muKristu a“sasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi,” anofanira kujekesa kuti urongwa hwose hwemariro huchaitwa maererano nezvinotaurwa neBhaibheri. (2 VaK. 6:14-17) Matanho api angatorwa kuti pave nechokwadi chokuti izvi zvaitwa?

11, 12. Zvii zvatinofanira kuita tichiri vapenyu uye takagwinya, uye nei?

11 Jekesa paumire: Kana munhu akagara anyora zvaanoda kuti zvizoitwa pamariro ake, zvinova nyore zvikuru kukurukura nehama, sezvo dzichiwanzoremekedza zvido zvomufi zvakaita zvokunyorwa. (Gen. 50:5) Gwaro rakasainwa nomuridzi uye rakapupurirwa ndiro rinonyanya kushanda. Gwaro rakadaro ringava rakatosiyana newiri inotaura zvichaitwa nepfuma. Vaya vanotarira mberi nouchenjeri vanoziva kuti havafaniri kumirira kusvikira vachembera kana kuti vava kurwara zvokufa vasati vafunga nezvokutora danho iri. (Mup. 9:11) Kuti mariro acho anofanira kuitwa sei, rini, kupi uye kuti ndiani anofanira kuronga uye kuita chikamu chimwe nechimwe chemariro acho, zvose izvi zvinhu zvinokosha zvinofanira kuzivikanwa munhu achiri mupenyu uye achiri mutano.

12 Vamwe vanganzwa vasina kusununguka kunyora izvi nguva ichiripo. Zvisinei, kuita izvi kunoratidza rudo uye kusimba mune zvokunamata. Vaya vane zivo yakarurama yechokwadi chomuBhaibheri vanoziva kuti kuronga izvi hakuiti kuti vakurumidze kana kuti vanonoke kufa. Chokwadi, mirayiridzo yakanyorwa zvakananga inotaura zvakajeka kuti voukama vasingatendi havafaniri kupindira pane chipi nechipi chakarongwa pamariro acho ingavagumbura. Zvisinei, zvakanaka kuti munhu agadzirise nyaya idzi paanenge achiripo pane kudzisiya kuti dzizogadziriswa nevomumhuri vanenge vachichema, vangamanikidzirwa kuita tsika dzisina kuchena dzakanga dzisingagamuchirwi kana kudavirwa nomufi.—VaF. 2:4.

13, 14. Kana mhuri nevoukama vakamboungana munhu achangofa, Chapupu chinofanira kungwarirei?

13 Zvatingaita nehama dzisiri Zvapupu: Munzvimbo dzakawanda, mhuri uye voukama vane tsika yokuronga kuti vaungane munhu achangofa. Chinangwa chacho ndechokuunganidza mari yemariro uye kuona kuti munhu wacho achavigwa rini uye sei. Zvinoitika zvave zvichiratidza kuti panguva iyi pane ngozi chaiyo yokuti Chapupu chitorerwe simba rokudzora zvichaitika pamariro nevoukama vasingatendi. Naizvozvo, kana munhu wacho anenge afa aiva muKristu akatendeka, zvaisazova zvakakodzera kuita kuti voukama vasiri Zvapupu vataure kuti mariro acho achaitwa sei. Vomuungano vasiri vomumhuri yacho havafaniri kupindira muurongwa hwemariro kutoti mhuri yacho yakumbira kubatsirwa.

14 Mhuri yechiKristu inofanira kushivirira uye kuva nomutsa pakutsanangura urongwa hwemariro hunenge hwaitwa. Pangasava hapo nechikonzero chokusiya vomumhuri vasingatendi kana vachida havo kubatsira. Zvisinei, ko kana vamwe vomumhuri vakaramba vachida kuti paitwe tsika dzinomutsa mibvunzo uye miitiro isina kuchena? Kana zvakadaro, zvinokosha kuva vakasimba uye totsanangura zvine mutsa asi noushingi patimire sevaKristu. Chokwadi, hapazovi nokukakavadzana kwakawanda kana mufi akasiya mirayiridzo yakanyatsonyorwa yokuti anoda kuti mariro ake aitwe sei.

15. Tsanangura kuti zvii zvingaitwa kana hama dzisiri Zvapupu dzikatsunga kudzora zvose pamariro.

15 Pasinei nezvose izvi, kana vomumhuri vasingatendi vachiri vakatsunga kudzora zvose, ipapo vomumhuri vanenge vari Zvapupu vangasarudza vachitungamirirwa nehana dzavo kusiyana zvachose nemariro acho. Kana izvi zvikaitika, mungaita hurukuro yemariro kuImba yoUmambo kana kuti kune imwe nzvimbo yakakodzera kuti muwane “kunyaradza kunobva muMagwaro” nevaya vanenge vakasuruvara zvikuru nokufirwa nomunhu wavanoda. (VaR. 15:4; Pis. 119:50) Kunyange zvazvo mutumbi ungasavapo, urongwa hwakadaro hungava hunoremekedzeka uye hunogamuchirika. (Dheut. 34:5, 6, 8) Kupindira zvisina mutsa kwevasingatendi kungawedzera hako kushungurudzika uye kurwadziwa kwevanenge vafirwa, asi tinonyaradzwa kuziva kuti kutsunga kwedu kuita zvakarurama kunoonekwa naMwari, uyo anogona kupa vashumiri vake vakatendeka “simba rinopfuura renguva dzose.”—2 VaK. 4:7.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 1998, mapeji 22-23 uye yaApril 15, 1985 yeChirungu, mapeji 23-25, [yaOctober 15, 1985 yeShona, mapeji 23-25] uyewo Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu, peji 70.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe