Kutsigira Zvinotaurwa neMagwaro Nezvemariro—Chikamu 1
1. Nei vatinonamata navo vachida kuti tivanyaradze uye tivatsigire kana vafirwa nehama yepedyo kana kuti shamwari?
1 Kutsungirira kufirwa newaunoda kwakaoma, uye anenge afirwa anoda kuti timunyaradze uye timutsigire nerudo. Izvi zvakadaro zvikurukuru munzvimbo dzakawanda dzine vanhu vanodavira mashura uye vanonyanyotya vakafa. Munzvimbo dzakadaro, muKristu anenge afirwa angamanikidzwa nehama dzisingatendi uye vavakidzani kuti aitewo tsika dzemariro dzinopesana nemagwaro. Tingaita sei nokurwadziwa kwatinenge tichiita kana tafirwa asi tisingaiti tsika dzemariro dzinogumbura Mwari?
2. Bhaibheri rinoti chii chinoitika kana munhu achinge afa?
2 Ziva chokwadi pamusoro perufu: Bhaibheri rinongoti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva . . . Rudo rwavo nokuvenga kwavo negodo ravo zvakatoparara . . . MuSheori [guva revanhu vose], iyo nzvimbo yauri kuenda, hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.” (Mup. 9:5, 6, 10; Pis. 146:4) Kana munhu afa anenge asisina chaanoziva. Haakwanisi kufara kana kusuwa, haakwanisi kukurukura nevamwe, uye haagoni kuziva zvinenge zvichitaurwa kana kuitwa nevamwe. KuvaKristu vechokwadi, ichi ichokwadi cheBhaibheri chinokosha chine zvachinoita pamafungiro edu uye zvatinoita kana tafirwa.
3, 4. (a) Satani anoshandisa sei dzidziso yokuti vakafa vanoziva? (b) Jehovha akarayirei vanhu vake nezvetsika dzinobva padzidziso dzenhema?
3 Ngwarira dzidziso inochera Mwari: Mumunda weEdheni, Jehovha akaudza Adhamu naEvha pachena kuti ‘chokwadi vaizofa’ kana vaisazoteerera mutemo wake. (Gen. 2:17) Zvisinei, Satani akavaudza kuti chokwadi ‘vaisazofa’ kana vaisazoteerera Mwari. (Gen. 3:4) Satani akazotaura dzimwe nhema: Akati vakafa havana kufa asi vanoziva uye vari kurarama munyikadzimu. Kuvanamati vaJehovha, dzidziso yokuti vakafa vanoziva uye vane zvavanokwanisa kuita pavapenyu inopfuura kungova dzidziso yenhema. Idzidziso huru inoshandiswa naSatani kunyengera vanhu uye kuti avanze chokwadi cheBhaibheri. Idzidziso inofanira kuvengwa zvechokwadi nevose vanoda Mwari! (VaR. 12:9) Unoivenga here?
4 Jehovha akarayira vaIsraeri kuti vazviparadzanise zvachose netsika chero ipi yaiva yakabatana nedzidziso yenhema iyi. (Dheut. 18:9-13) VaKristu vomuzana remakore rokutanga vaidzivisawo tsika dzose dzine chokuita nayo. (2 VaK. 6:15-17; Zvak. 21:8) Zvapupu zvaJehovha mazuva ano zvinorambawo tsika dzose dzine chokuita nedzidziso yokuti vakafa vanoziva uye kuti vane zvavanokwanisa kuita kuvapenyu.
5. Tsika dzose dzemariro dzinorambidzwa neBhaibheri here? Tsanangura.
5 Kufunga nezvetsika: Magwaro anoratidza kuti hadzisi tsika dzose dzemariro dzine chokuita nedzidziso iyi yenhema. Somuenzaniso, mutumbi waJesu ‘wakamonerwa nemachira nezvinonhuhwirira, setsika yevaJudha yokugadzirira kuviga.’ (Joh. 19:40) Zvisinei, dzimwe tsika dzaiva nechokuita nedzidziso yokuti vakafa vachiri kuziva dzakarambwa zvachose nevanhu vaMwari. (Revh. 21:5; 19:27, 28; Dheut. 14:1, 2) Mupasi rose mazuva ano, dzimwe tsika dzechinyakare uye zvinoitwa pamariro zvine chokuita nedzidziso iyi nenzira yakananga kana kuti isina. Ndizvo zvinoitikawo muno muZimbabwe. Zvinokosha zvikuru kuti tirovedze ‘simba redu rokunzwisisa kuti tisiyanise zvakanaka nezvakaipa.’ (VaH. 5:14) Izvi zvichaita kuti tikwanise kunzwisisa kuti ndedzipi tsika dzinowirirana nechokwadi cheBhaibheri uye ndedzipi dzinopesana nacho. Ipfungwa dzipi dzeBhaibheri dzinogona kutibatsira panyaya iyi?
6, 7. Pfungwa dziri pana 2 VaKorinde 6:14, 17 na1 VaKorinde 10:32 dzinogona kushandiswa sei pakusiyanisa zvakanaka nezvakaipa mutsika dzemariro?
6 Kushandisa pfungwa dzacho: Vaya vanoda kufarirwa naMwari havafaniri kusungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi. MuBhaibheri tinoudzwa kuti: “‘Ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena.’” (2 VaK. 6:14, 17) Tichifunga nezvepfungwa iyi, tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Pane kubatana here kuripo patsika ingaitwa pamariro nedzidziso yokuti midzimu yevakafa ine zvainogona kuita pavapenyu?’ Kubatana chero kupi kuripo kunoita kuti tsika yacho ive nzira yokuchema inokuvadza. Kuita izvozvo kunogumbura Jehovha, hakugamuchiriki kuna Mwari wechokwadi.−Enzanisa naVatongi 2:12.
7 Imwe pfungwa inokosha iri pana 1 VaKorinde 10:32 inoti: “Musava zvinhu zvinogumbura kuvaJudha pamwe chete nevaGiriki neungano yaMwari.” Rugwaro urwu runofanira kushandiswa sei? Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa zvikuru nokudzidzisa chokwadi cheBhaibheri chokuti vakafa havazivi uye havakwanisi kubatsira kana kukuvadza vapenyu. Chii chaizoitika kana muKristu akabatanidzwa mutsika yemariro yakabatana nokutya vakafa? Kubatanidzwa mutsika yakadaro kunogona kugumbura vaya vanoziva zvinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha uye zvavanotenda pamusoro pevakafa.—Mat. 18:6; Ruka 11:52.
8. Chii chinofanira kutiita kuti tirambe zvakasimba tsika dzinorambwa neShoko raMwari?
8 Venga zvakaipa: Vasingatendi pavanoita tsika idzi, kazhinji vanenge vasingazivi kuti vanenge vachitonamata zvenhema. Uye kazhinji havanzwisisi kuti nei tichiramba kubatanidzwa mutsika dzakadaro. Nokudaro, kuratidza patakamira panyaya iyi kungasava nyore uye kungaedza zvikuru kuda kwatinoita Jehovha uye kuvimbika kwedu kwaari. Zvisinei, tinoda kuva “vasina chavanopomerwa nevasina mhosva . . . vasina gwapa.” (VaF. 2:15) Kuda Jehovha kunoita kuti ‘tiseme zvakaipa, tinamatire kune zvakanaka.’ (VaR. 12:9) Tichishandisa magwaro aya, ngatinyatsotarisai dzimwe tsika dzemariro dzakajairika munharaunda yedu.
Tsika Dzinoitwa Munhu Asati Avigwa
9, 10. Munharaunda yenyu, ndedzipi dzimwe tsika dzinoitwa nevasingatendi pakushambidza mutumbi kuti uvigwe?
9 Kushambidza mutumbi uye kuuona: Chitunha chingashambidzwa chisati chavigwa kuitira kuti chitaridzike zvakanaka. (Mab. 9:37) Zvisinei, hazvifaniri kuva nechokuita netsika isingapindirani nemagwaro yokugadzirira mufi nokuda kwoupenyu ‘munyika inotevera.’
10 Mune dzimwe nharaunda vamwe voukama ndivo vanoshambidza mutumbi kuti uvigwe. Kana mufi aiva mutendi, panoda kungwarira kuti hama dzisingatendi dzisaita tsika dzechihedheni pachivande. Zvisinei, kana hama dzisingatendi dzikatora mutumbi nechisimba pasinei nokuti taedza nepatinogona napo, tichava nechokwadi chokuti hatibatanidzwi mutsika dzavo dzisiri dzechiKristu. Uye tinogona kunyaradzwa kuziva kuti vasingatendi hapana zvavanogona kuita kuti vavhiringidze tariro yewatinoda youpenyu hweramangwana. Akafa akatendeka uye parizvino akachengeteka mundangariro dzaJehovha.
11, 12. Kurukurai dzimwe tsika dzinofanira kudziviswa nevaKristu kana mutumbi waiswa kuti uonekwe.
11 Vanhu vanosarudza vega kana vachida kuti mutumbi uonekwe kana kuti kwete. Kana mhuri yechiKristu ikasarudza kusaita izvi, haifaniri kutsoropodzwa. Kana vakasarudza kuti mutumbi uonekwe, vanofanira kunyatsofungisisa kuti izvi zvingaitwa sei nenzira inoratidza kuva nemwero uye kuremekedza dzidziso dzechiKristu.
12 VaKristu vanodzivisa tsika dzakadai sokuridza mhere kusingadzorwi uye kutaura kuchitunha sokunge kuti chipenyu. Kana izvi zvikaitika pamariro emuKristu, zvinozvidzisa zvikuru zita raJehovha uye vanhu vake.
13. (a) Kupupudza kuita sei? (b) Iyi itsika yakajairika kwaunogara here?
13 Kupupudza: Kupupudza kuungana kunoitwa usiku hwose mumusha wemufi kana pane imwe nzvimbo vanhu pavanenge vachirinda chitunha chinenge chisati chavigwa. Kupupudza kwacho kunowanzotanga nguva yorubvunzavaeni kusvika usiku. Tsika iyi haifaniri kuvhiringidzwa nokushanyira musha wemhuri inenge yafirwa panguva yakakodzera kuitira kuinyaradza uye kubata maoko. Kubatanidzwa pakupupudza kwakasiyana. Kazhinji chitunha chinounzwa mumusha zuva rokuti chinovigwa mangwana acho. Vanhu vanoungana kuti vapedze usiku hwose vachiimba, vachinyengetera uye vachirumbidza mufi. Izvi zvinonzi zvinofanira kuitwa kudzivirira chitunha chinenge chisati chavigwa uye mhuri yasara pamidzimu yakaipa. Sezvo tsika iyi ichinyatsobatana nedzidziso yokuti mudzimu wemufi uchiri kurarama, vaKristu vechokwadi vanochenjerera kuti vatambire kure netsika dzakadaro dzokupupudza dzinopesana nemagwaro. Kubatana nevanhu vanenge vachipupudza kunyange kwekanguva kaduku, hakwaizowirirana nokutsunga kwedu kuti ‘tiseme zvakaipa.’—VaR. 12:9.
14. Nei tichifanira kunyatsofungisisa nezvenyaya yokuungana nekuimba usiku chitunha chisati chavigwa?
14 Kana muKristu akafa, tinofanira kungwarira kuti vamwe vasafunge kuti tine kupupudza kwedu kwatinoitawo. Somuenzaniso, vanhu vangafungei kana Zvapupu zvikaungana usiku chitunha chisati chavigwa zvichipedza maawa akawanda zvichiimba? Kunyange zvazvo vangave nechinangwa chakanaka, vanofanira kunyatsofunga nezvehana dzevamwe. (1 VaK. 10:23) Kufunga nezvepfungwa idzi kunofanira kutiita kuti tisaita chero chinhu chipi nechipi chingada kufanana netsika yokukupupudza. Kuita kudaro kungaratidza kuti takasiyana nenyika uye kuti takatsunga kuzviparadzanisa ‘nechinhu chisina kuchena.’—2 VaK. 6:17; Mar. 3:18.
15. Kuunza mutumbi kuti urare mumba usati wavigwa kunokonzera zvinetso sei?
15 Tinowana uchenjeri hwakawanda munyevero yokuti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda, asi vasina zivo vanongopfuura havo vorangwa.” (Zvir. 22:3) Pfungwa iyi yemuBhaibheri ndeyechokwadi kana totaura nezvenyaya yokupupudza. Zvakaitika zvinoratidza kuti kuunza chitunha kumba chichizovigwa remangwana racho kunogona kukonzera zvinetso. Zvimwewo zvinetso zvinogona kuvapo kana chitunha chikaunzwa kumba kwehama dzisingatendi. Nemhaka yokuti chitunha chinenge chiripo, hama nevavakidzani vanganzwa vachifanira kuungana kuti vaimbe nekunyengetera usiku hwose kuitira kuti vachirindire. Kupupudza kwakadaro kunowanzoramba kuchiitwa chero bedzi chitunha chacho chisati chavigwa. Kuti izvi zvisaitika pamariro emuKristu, mhuri yemufi wacho inotenda inofanira kunyatsofungisisa kuti ndirini pavanozounza mutumbi kumba kana kune imwe nzvimbo. Kana paine chikonzero chokuti mutumbi wacho uunzwe kumba, kungava ‘kuchenjera’ kuuunza pazuva rokuvigwa panzvimbo pekuti urare mumba.—Zvir. 22:3.