Bhokisi Remibvunzo
◼ Zvii zvingaitwa nemunhu wose kuitira kuti zvive nyore kudzidza pamisangano yeungano? (Dheut. 31:12)
Kuti tiratidze kuremekedza Jehovha uye urongwa hwake hwemisangano yeungano, tose tinokurudzirwa kukurumidza kusvika togadzirira kudzidziswa naye. Zvakanaka kugara pazvigaro zviri mberi, tosiyira zvigaro zvokumashure kune vaya vane vana vaduku uye vanombononoka kusvika. Musangano usati watanga, nhare dzeserura, nezvimwewo zvinhu zvinofanira kuitwa kuti zvisavhiringidza vamwe. Kana vose vanenge vari pamusangano vakaratidza ruremekedzo, zvinhu zvinovhiringidza zvichava zvishoma.—Mup. 5:1; VaF. 2:4.
Kana vatsva vakatanga kuuya kumisangano, mumwe ari muungano anozivana navo angagara pedyo navo. Izvi zvichanyanya kubatsira kana paine vana vaduku vanoda kudzidziswa kudzikama. Zvimwe kanenge kari kekutanga kuti mhuri yacho ipinde misangano. Kana zvakadaro, vangaita zvakanaka kugara nechokumashure kuitira kuti vamwe vasanyanya kuvhiringidzwa kana kuri kuti vabereki vacho vafunga zvokumbobuda panze kuti vanotarisira vana vavo. (Zvir. 22:6, 15) Mhuri dzine vana vaduku hadzifaniri kunogara kwadzo dzoga uko vana vangasununguka kuita ruzha. Nguva dzose zvakanaka kuti mubereki anoranga kana kuti anotarisira vana vake panze kana kuti kure nepari kuitirwa misangano ozodzoka hake.
Basa revarindiri nderokuona kuti zvinhu zvakadzikama paimba yokunamatira. Vanobatsira vane vana uye vaya vanombononoka kusvika kuti vawane pokugara. Vanobatsira vamwe kuti vawane pokugara pakanaka pasina kuvhiringidza vamwe asi vachizviita nokuchenjera uye nounyanzvi. Kana pakaitika zvinhu zvingavhiringidza misangano vanogadzirisa dambudziko racho nouchenjeri. Kana mwana ava kuvhiringidza vamwe, varindiri vanoyamura vabereki vacho asi vachizviita nomutsa.
Vose vanenge vari pamisangano vanogona kuita kuti zvive nyore kudzidza nezvaJehovha nezvinangwa zvake zvine chokuita nenyika itsva yakarurama ine rugare.—VaH. 10:24, 25.