RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/09 p. 1
  • Nyatsogadzirirai Chirangaridzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyatsogadzirirai Chirangaridzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 3/09 p. 1

Nyatsogadzirirai Chirangaridzo

Vateveri vaKristu vanofara uye vanoona kuri kukudzwa chaiko kunyatsogadzirira usiku hwatinorangarira kufa kwaJesu Kristu! (Ruka 22:​19) Zvii zvinobatsira zvinofanira kuitwa pakugadzirira Chirangaridzo?

◼ Nguva Nenzvimbo: Munhu wose anofanira kunyatsonzwisisa nguva nenzvimbo chaiyo ichaitirwa Chirangaridzo. Kana ungano dzinopfuura imwe dzichizoshandisa Imba yoUmambo imwe chete, zvinokosha kusvika nenguva uye kubva paImba yoUmambo nokukurumidza musingavhiringidzi vamwe, sezvo nguva iri pakati pemisangano iri pfupi. Munofanira kuedza kuita kuti vanhu vasawandisa pamusuo, panosvikira vanhu, munofambwa namo nevoruzhinji uye pokupaka motokari.

◼ Mapepa Okukokera: Vaparidzi vose vakawana mapepa okukokera uye vari kunyatsoziva zvaari kutaura here? Makamboenzanisira kugovera kwamuchaita pepa rokukokera here? Ndivanaani vamuchapa pepa rokukokera? Munofanira kuvavarira kuparadzira mapepa acho ose.

◼ Zvokufambisa: Vamwe vanofarira uye dzimwe hama nehanzvadzi dzakawanda vangada zvokufambisa kana kuti rumwe rubatsiro. Ndezvipi zvamakaronga kuti muvabatsire?

◼ Chingwa Newaini: Ivai nechokwadi chokuti chingwa newaini hazvizofambiswi kusvikira zuva ranyura. Munofanira kuronga kuti vakazodzwa vangave vachirwara uye vasingakwanisi kuvapo vapiwe chingwa newaini. Chingwa newaini zvakakodzera zvinofanira kutsvakwa zvofanoiswa patafura.​—⁠Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 2003, peji 14-​15, ndima 14, 17.

◼ Imba yoUmambo: Imba yoUmambo inofanira kunyatsocheneswa pachine nguva. Ndiro, makapu kana kuti magirazi okuisira waini, uye tafura yakakodzera nejira racho zvinofanira kuunzwa kuImba yoUmambo zvoiswa panzvimbo yazvo pachine nguva. Kana muchizoshandisa imwe nzvimbo isiri Imba yoUmambo ivai nechokwadi chokuti pachava negudzanzwi rakanaka zvokuti vose vanenge varipo vachakwanisa kunzwa mukurukuri zvakanaka. Varindiri nevanenge vachifambisa chingwa newaini vanofanira kufanosarudzwa uye kupiwa mirayiridzo yezvavanofanira kuita. Vanofanirawo kuudzwa kuti vapfeke zvine chiremerera uye kuti vave vakashambidzika.

Pachiitiko ichi chinokosha chaizvo, Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu, tinoda kuva vakanyatsogadzirira somunhu oga oga uye seungano. Zvechokwadi, Jehovha achakomborera zvikuru vose vaya vanoonga nomwoyo wose zvakaitirwa rudzi rwomunhu naJehovha achishandisa chibayiro cheMwanakomana wake waanoda, Jesu Kristu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe