Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
Vakuru vanofanira kufunga nezvezvinhu zvinotevera pavanenge vachigadzirira Chirangaridzo:
◼ Ivai nechokwadi chokuti zviratidzo hazvizopfuudzwi kusvikira zuva ranyura.
◼ Chingwa newaini zvakakodzera zvinofanira kutsvakwa zvogara zvavapo.—Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 2003, pamapeji 14-15.
◼ Ndiro, magirazi, uye tafura nejira repatafura zvakakodzera zvinofanira kuunzwa kunzvimbo yamuchapindira zvogara zvaiswa panzvimbo yazvo.
◼ Imba yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo yokupindira inofanira kunyatsocheneswa pachine nguva.
◼ Varindiri nevachafambisa zviratidzo vanofanira kufanosarudzwa ndokufanorayiridzwa mabasa avo, nzira yakakodzera yokuaita nayo, uye kukosha kwokupfeka nokushambidzika zvinoremekedzeka.
◼ Panofanira kurongwa kuti vakazodzwa vasingakwanisi kuvapo pamusana poutano hwavo vazopiwa chingwa newaini.
◼ Kana ungano mbiri kana kupfuura dzichizoshandisa Imba yoUmambo imwe chete, dzinofanira kushandira pamwe zvakanaka kuti vanhu vasazowandisa panosvikira vanhu kana kuti pamusuo, mokufamba namo, uye kwokupaka motokari.
◼ Kana muchizoitira musangano wacho kune imwe nzvimbo, ivai nechokwadi chokuti gudzanzwi riri kunyatsoshanda kuitira kuti vateereri vose vanzwe mukurukuri.