RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/04 p. 3
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 3/04 p. 3

Zviyeuchidzo zveChirangaridzo

Gore rino Chirangaridzo chichachengetwa musi weSvondo, April 4. Vakuru vanofanira kufunga nezvezvinhu zvinotevera:

◼ Pakuronga nguva yomusangano wacho, ivai nechokwadi chokuti zviratidzo hazvizopfuudzwi kusvikira zuva ranyura.

◼ Munhu wose, kusanganisira mukurukuri, anofanira kuziviswa nguva chaiyo uye nzvimbo yachichachengeterwa.

◼ Rudzi chairwo rwechingwa newaini zvinofanira kuwanikwa zvogara zvavapo.—Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 2003, mapeji 14-15.

◼ Ndiro, magirazi, uye tafura yakakodzera nejira repatafura zvinofanira kuunzwa kunzvimbo yamunopindira zvogara zvaiswa panzvimbo yazvo.

◼ Imba yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo yokupindira inofanira kunyatsocheneswa nguva isati yakwana.

◼ Varindiri nevafambisi vezviratidzo vanofanira kusarudzwa ndokufanorayiridzwa mabasa avo, nzira yakafanira yokuaita nayo, uye kukosha kwokupfeka nokutsvinda zvinoremekedzeka.

◼ Urongwa hunofanira kuitwa kuti vakazodzwa vasingakwanisi kuvapo pamusana poutano hwavo vazopiwa chingwa newaini.

◼ Kana ungano dzinopfuura imwe dzakarongwa kuti dzishandise Imba yoUmambo imwe chete, ungano dzacho dzinofanira kushandira pamwe zvakanaka kuti vanhu vasazowandisa panosvikira vanhu kana kuti pamusuo, mokufamba namo, uye pokupaka motokari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe