Vachanzwa Sei?
1. Nei basa rokuparidza ringaoma uye nei tichiramba tichiriita?
1 Sezvo zuva raJehovha riri kusvika nokukurumidza, vakawanda vanofanira kukurumidza kubatsirwa kuti vawane zivo yakarurama yaMwari uye chinangwa chake nokuda kwevanhu. (Joh. 17:3; 2 Pet. 3:9, 10) Dzimwe nguva izvi zvingaoma sezvo vakawanda vasingakendengi kana kuti vangatiseka pamusana pebasa redu rokuparidza. (2 Pet. 3:3, 4) Kunyange zvakadaro, tine chikonzero chakanaka chokudavira kuti pachine vamwe mundima yedu vachagamuchira mashoko akanaka kana vangoanzwa. Vanhu vakadaro vachanzwa sei kana pasina anoparidza?—VaR. 10:14, 15.
2. Muenzaniso womuapostora Pauro unotikurudzira sei?
2 Kupikiswa: Sezvo kuchine vakawanda vanoda kunzwa shoko roUmambo, hatifaniri kuodzwa mwoyo. Firipi ndiro guta rakatanga kuparidzirwa mashoko akanaka nomuapostora Pauro muEurope. Iye naSirasi pavakapomerwa zvenhema, vose vakarohwa neshamhu vakakandwa mujeri. (Mab. 16:16-24) Zvisinei, kurwadziwa ikoko kwavakaita hakuna kuita kuti Pauro arege kuparidza pamusana pokutya. Paakasvika kuTesaronika, guta rechipiri parwendo rwake rwoumishinari, ‘akashingiswa naMwari.’ (1 VaT. 2:2) Muenzaniso waPauro hauratidzi here chikonzero chokuti “tisarega.”?—VaG. 6:9.
3. Chii chingaita kuti vamwe vachinje maonero avo kunyange zvazvo vaisambofarira?
3 Vakawanda vairamba kuteerera kwemakore vakachinja maonero avaiita shoko redu. Matambudziko emari anoerekana avapo, kurwara, kufirwa mumhuri, kana kuti mashoko anovhiringidza ezviri kuitika munyika angaita kuti pave nokuchinja kwakadaro. (1 VaK. 7:31) Vamwe vane vabereki vaimbopikisa iye zvino vava vanhu vakuru uye vanoda kuteerera. Kuramba tichiparidza kunopa vanhu vakadaro mukana ‘wokudana zita raJehovha’ nguva isati yapera.—VaR. 10:13.
4. Chii chinotikurudzira kuti tirambe tichiita ushumiri ‘tisingaregi’?
4 ‘Tisingaregi’: Kuda kwatinoita Mwari nomuvakidzani kunotikurudzira kuti tirambe tichiita basa rokuparidzira uye kuita vadzidzi ‘tisingaregi,’ sezvaingoitwa nevaapostora muzana remakore rokutanga. (Mab. 5:42) Nhasi vakawanda vari “kuchema nokugomera pamusoro pezvinhu zvose zvinosemesa” zviri kuitika. (Ezek. 9:4) Chokwadi vanhu vakadaro vanowana tariro uye vanozorodzwa pavanonzwa mashoko akanaka! Kunyange kana vanhu vakawanda vasingadi kuteerera, Magwaro anotivimbisa kuti Jehovha anofara zvikuru nezvatinoita.—VaH. 13:15, 16.