Purogiramu Yevhiki yaJanuary 12
VHIKI INOTANGA NAJANUARY 12
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 6-10
Nha. 1: Genesisi 9:1-17
Nha. 2: Kupindura Vanhu Vasingadaviri Mwari (rs-CA p. 264¶4–p. 265¶3)
Nha. 3: Tsamba Inobva kuna Mwari Ane Rudo (lr-CA chits. 2)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso zveungano.
10 min: Kubatsira Kunoita Mafungiro Akanaka Muushumiri Hwedu. Kukurukurirana nevateereri. Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka pakuti aiona vaya vaaiparidzira semakwai aida kubatsirwa. (Mat. 9:36-38) Kunyange zvazvo Ananiyasi pakutanga akanga achitya kuenda kunoona Sauro, chii chakamubatsira kuchinja maonero ake? (Mab. 9:13-15) Matauriro akaita Ananiyasi kuna Sauro anoratidza sei kuti aiva nemafungiro akanaka? (Mab. 9:17) Tine zvikonzero zvipi zvokuti titaure nevanhu vari mundima medu tiine mafungiro akanaka? Mafungiro akanaka achaita sei kuti ushumiri hwedu huwedzere kubudirira? Bvunzurudza kwenguva pfupi muparidzi mumwe chete kana vaviri vakava nemigumisiro yakanaka muushumiri nemhaka yokuva nemafungiro akanaka.
10 min: Kushandisa kwatingaita bhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro. Hurukuro inopiwa nomutariri webasa kana mumwe mukuru inobva muna Kurangarira, mapeji 7-8.
10 min: “Vachanzwa Sei?”a
[Mashoko omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.